Hove dzakafashaidzwa

23 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Hove dzakafashaidzwa

Kwayedza

HOVE dzikabikwa nenzira yekufashaidzwa dzinonaka zvikuru. Svondo rino Mai Itai Makwevera vekuMasvingo vanotsanangura mabikirwo ehove idzi.Zvinodiwa:

Para hove dzakakura dziya dzinonzi magwaya (bream) uchibvisa makwati uye wodzitumbura.

Dzigeze mukati nekunze kusvika dzachena.

Chidimbura zvidumbu zviviri kana zvitatu pahove imwe chete.

Hanyanisi, matomatisi, godzamuto (fish spicies), munyu, mafuta nechikari kana poto yakachena.

Wozodii?

Isa hove muchikari wodira mvura shomanana.

Kanda munyu wakafanira, hanyanisi, matomatisi, godzamuto nemafuta panguva imwe chete.

Siya zvikwate zvakadaro asi usapindure nekuti hove dzinodimbuka.

Mushure nemaminitsi makumi maviri, hove dzako dzinenge dzaibva.

Kuibva kwadzo kunoonekwa nemuto wakakorera.

Chipakura unakirwe. Hove dzinodyiwa nesadza kana mupunga asi dzinoda kungwarira kubaiwa nemasahwa pakudya.

 

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

 

Share This:

Sponsored Links