Huku yakafashaidzwa

08 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

NYAMA yehuku haingodi kukangwa nemafuta chete nguva dzose, asi inogona kubikwa nedzimwe nzira dzakasiyana idzo dzinosanganisira kuita zvekuifashaidza.

Svondo rino, Mai Anesu Dandaro vekuMvurwi vanotitsanangurira mamwe mabikirwo enyama yehuku ichiitwa zvekufashaidzwa.

Zvinodiwa:

Nyama yehuku, garlic, matomatisi, hanyanisi, godzamuto, munyu nemafuta.

Mabikiro:

Cheka nyama yehuku muzvidumbu zvakafanira.

Gadza pamoto woisa mvura shoma.

Siya zvikwate kwemaminitsi makumi maviri.

Kana muto wava mushoma, chekerera garlic, hanyanisi nematomatisi wokanda.

Isa godzamuto remhando yaunoda pamwe netumafuta twushomanana.

Siya zvikwate kwemaminitsi mashanu.

Wozodii?

Kana zvadai, chibura hako udye nemhuri.

Nyama yehuku inodyiwa nesadza jena, remhunga, remapfunde, rezviyo kana mupunga.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey