Hunhubu hwaCindy hunomushoresa

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
Hunhubu hunoitwa naCindy hunoita kuti ave mukadzi anoshoreka.

Kuramba kubatirwa nhare yake nemurume achiti ngaaisiye yakadaro kunyangwe ikarira asipo nekuti ikodzero dzake.

Kufamba akapfeka nhumbi dzinomubvisa chimiro — dzinosiya musana nemakumbo ese pachena asi iye akaroorwa zvakanakisisa naRuvengo.

Kuramba kuteerera murume achitsiurwa maererano nenhumbi dzaanofarira kupfeka.

Kuramba kuchengeta vamwene vake, VaHaruna achiti ngavadzokere kumusha kuDharuweni.

Kudzinga vamwene vake mumasofa akanaka achiti vagare pamatsaru nekuti vanozomazadza bute.

Kututisa vamwene vake kubva muimba yavairara achiti vaende kukoteji achida kupinza shamwari dzake muimba iyoyo.

Kurambidza vamwene vake kuona chivhitivhiti chakanaka achiti vaone chemifananidzo mitema nemichena.

Kuudza Tsitsi kuti amuitire basa rese repamba kusanganisira kutsvairirwa muimba yake yekurara iye agere.

Kushungurudza Maggie kuburikidza nekumutuka nekuti amai vake vainge vafa.

Kutambira keke rine muchetura unouraya makonzo raanopihwa naLaiza achida kuripa vamwene vake kuti vafe.

Kusiya apfiga misiwo achibuda nemakiyi pamba paina VaHaruna.

Kuramba kuzvara achiti aitya kuchembera. Anoshandisa dhepo asina kuudza murume wake, Ruvengo zvinoita kuti vaviri ava vasave nemwana.

Kumbovanzira murume wake, Ruvengo kuti aive nemwana kunze.

Kurova Regina netsvimbo pahuma.

Kutuka amai vake, Laiza asi vainge vachironga mazano avo akazovapandukira vari pamwe chete.

Kuda kupa mapurisa mari yechiokomuhomwe nekuti anenge asungwa.

Zvidavado pakunyora mutambo:

Tsumo:-

. . . muonera pamwe chuma chomuzukuru p.4

. . . chitaurirwa mbare dzekumusana p.29

Chirungurira chitenda, kutadza kuchidura chinokuuraya p.30

. . . kure kwemeso nzeve dzinonzwa p.30

Chirere mangwana chizokurerawo p.42

. . . kuudza mwana hupedzisira p.49

Chembere yekwaChivi yakabika mabwe ndokunwa muto p.48

. . . kugocha kunoda kwaamai kwemwana kunodzima moto p. 80

Mubvunzonhando:-

Wati kudii Ruvengo? p.3

Ndakatadzei pandakati vanhu ava vagare pano? p.3

Chiripo chiripo, ndarira imwe chete hairire p.67

Zviroto/hope:-

Ruvengo anorota achienda kunze kwenyika naCindy ndokubva vaita tsaona munzira. Anoti akazoona Cindy asisina mumwe munwe uye asisinawo mhete yemuchato p.5

Chidhorobha:-

Ndeipi yenyu ambuya? p.7

Fananidzo:-

Ndibate ruoko unondigezesa sezvo ndiri kuita sendiri mugango zvekuti mwoyo wangu uri kugochwa semudzonga wenyama p.10

Usangodzungudza musoro unenge damba p.13

Handisi pakuti uputike senhikiti, Cindy p.18

Zvino ukaoma mwoyo sedombo kudaro unoti ndichazoonekwa nani ndava mujeri? P.71

ChiRungu:-

Hello madam p.16

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>