‘Hurumende iri kushanda kurwisa aids’

22 May, 2015 - 00:05 0 Views
‘Hurumende iri kushanda kurwisa aids’

Kwayedza

MUTEVEDZERI wemutungamiriri wenyika, Vice President Emmerson Mnangagwa, vanoti Hurumende iri kuita basa guru rekutsigira vanhu vari kurarama neutachiona hweHIV kuburikidza nezvirongwa zvinobatsira mukurwisa chirwere cheAids, zvikuru kuvasungwa vari mumajeri.

Vakataura mashoko aya svondo rapera paBindura Prison pazuva rekuparurwa kwechirongwa chekuvandudzwa kwekudya kunovaka muviri kwevasungwa vanorarama neutachiona hweHIV kana chirwere cheAids. Chirongwa ichi chatsigirwa nesangano reNational Aids Council.

“Kubvira mugore ra1985 apo HIV neAids zvakatanga kuzivikanwa kuti zviriko, Hurumende yakaona zvakakosha kuti vanhu vose vaise misoro pamwe chete mukurwisa HIV kuburikidza nekubvisa chikamu che3% cheAIDS Levy. Kunyangwe chirwere ichi chichiratidza kuramba chakadzika midzi, tiri kuedza nepose patinogona kuti HIV inge ichiderera munyika uye vanhu vari kuwaniswa mishonga yemaARV vari kuwanda,” vakadaro.

VP Mnangagwa vanoti huwandu hwevanhu vari kutambudzwa neHIV huri kuita kuti upfumi hwenyika huderere.

“Kuti nyika ive nebudiriro tinofanira kuona kuti vanhu vari kurarama neHIV, zvikuru mumajeri edu ose, vawaniswa mishonga nekudya kune utano, kuvhenekwa nekupangwa mazano vari mumajeri imomo.

“Pamusoro pezvo, vasungwa vanofanirawo kuita mabasa akadai sekurima kuitira kuti vavandudze kudya kwavo mumajeri nekuti upfumi hwenyika huri kudzokera kumashure nekuda kwezvirango zveupfumi zvatakatemerwa nenyika dzekumadokero,” vakadaro.

Vakatenda sangano reNAC nekutsigira kwariri kuita vasungwa nekudya uye kuvawanisa mishonga yemaARV.

PaBindura Prison, NAC yakapa rubatsiro rwemichina yekurimisa uye mbeu inokwana kudyarwa mahekita 120.

Sangano iri riri kutarisira kucheresa chibhorani nekuisa michina yemadiridziro kuitira kuti vasungwa vakwanise kurima kwegore rose.

NAC iri kuita zvekare mabhindauko ekuchengeta zvipfuyo kune mamwe majeri munyika ayo anosanganisira Khami neHwahwa.

Share This:

Sponsored Links