Hurumende yorumbidzwa

13 May, 2016 - 00:05 0 Views
Hurumende yorumbidzwa

Kwayedza

MAMBO Makope vekudunhu reMashonaland Central vorumbidza Hurumende nekusimudzira vanhu vatema kuburikidza nekuvambwa kwemakambani anotenga fodya evatema sezvo kare zvaiitwa nevachena chete.

Muhurukuro neKwayedza nguva yadarika apo vaive kumusika wefodya wePremier Tobacco Auction Floors uko vaitengesa fodya yavo, Mambo Makope — VaJacob Mapirinjanja (46) — vanoti kurimwa kwefodya kwaizivikanwa kuchiitwa chete nevachena vaiva nemapurazi makuru.

“Vanababa vedu vairima fodya yechikwarimba iyo vaishaya kwekutengesera nekuti makambani aitenga fodya aiva evachena chete, vaiisa mitemo yakaomarara yaitadzwa kutevedzwa nevanhu vatema. Saka nhasi uno tava nemakambani edu evana vemuno vatema uyewo mitemo yasununguka zvikuru kunyange kumakambani acho evachena,” vanodaro.

“Nhasi tinodada nemakambani akaita seino Premier Tobacco Auction Floors neBoka Tobacco Floors. Tinotaura nemutauro wedu wevanhu vatema, ambuya kana sekuru vabva kupi vanotengesa fodya yavo zvakanaka,” vanodaro.

Vakarumbidza zvikuru VaPhillimon Mangena muridzi wePremier Tobacco Floors nemuvambi weBoka Tobacco Floors muchakabvu Rodger Boka nekuvamba makambani akadai.

“Zvinodadisa kuti makambani akadai aya ndeevanhu vatema zvinorakidza kusimukira kweupfumi kuvanhu vatema. Zvisinei nekuwanda kwemisika inotenga fodya ndinokurudzira kuti sevanhu vatema titsigirewo misika yevamwe vedu kuti misika yedu igoramba yakavhura, sezvo ndinonzwa kuti misika iyi inodarika gumi,” vanodaro.

VaMangena vanoti vanorumbidza zvikuru madzishe nemadzimambo vachiti vanochengetedza tsika dzechivanhu uye ndivo varidzi vevhu iro ruzhinji rwunorima. “Hakuna dunhu risina mambo kana ishe uko varimi vedu vanorima vari saka tinovakudza zvikuru. Vakauya nefodya yavo pano vanobatwa nemawoko ane rudo vaine nzvimbo dzekugara dzakanaka vachimirira mari yavo,” vanodaro.

Zvakadaro, mutengo wefodya wepamusoro waitengwa nawo chirimwa ichi svondo rapera waive US$4,99 pakg kumisika yeruzhinji kozotiwo kune inobatsira varimi ichiita US$5,60.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey