Uncategorized

‘huwori muchipurisa bodo’

02 Jul, 2015 - 20:07 0 Views
‘huwori muchipurisa bodo’ Snr Asst Com Tanyanyiwa vachiongorora kutsvinda kwemapurisa kuShamva Battle Camp svondo rapera. - Mufananidzo: Malvern Mugadzikwa.

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
MAPURISA ari kukurudzirwa kuti vashandise hunyanzvi hwavanenge vadzidziswa mubasa ravo mukuchengetedza veruzhinji pamwe nerunyararo munyika kwete kuti vapanduke vopedzisira vave kuita mabasa ehuwori nehumbavha. Mashoko aya akataurwa svondo rapera naOfficer Commanding Support Unit, Senior Assistant Commissioner Mekia Tanyanyiwa kuShamva Battle Camp, kudunhu reMashonaland Central pakupedza zvidzidzo kwemapurisa 349.

Pamapurisa akapedza zvidzidzo aya, vanhukadzi vaive 97 nevanhurume 262.
“Ndinoti kune vapedza zvidzidzo zvavo nhasi, vanofanira kuziva kuti kudzidziswa basa rechipurisa nekudzidziswa nzira dzekurwisa nadzo hakusi kuti muzova vapanduki vemangwana. Sechikamu cheZRP Support Unity, tikakubata uchiita izvi tinokutevera tokubvisa mubasa iri,” vakadaro Snr Asst Comm Tanyanyiwa.

Vakaenderera mberi vachiti mapurisa vanhu vanodzidzira basa ravo kuti vachengetedze runyararo uye kuti veruzhinji vagare zvakanaka vachiziva kuti kune vakavachengetedza. “Chikamu chedu chemapurisa chine vanhu vakadzidziswa zvakasimba uye vanokwanisa kubatsira veruzhinji nezvipi zvavangada pamwe nekuchengetedza runyararo munyika. Naizvozvo veruzhinji vanorara hope vachiziva kuti nyika yedu ine vanoichengetedza.

“Ndinotendawo zvakare mukuru wemapurisa, Commissioner-General Augustine Chihuri. Kuti tinzwe manyukunyuku atinawo aya ndivo vakatibatsirawo kuburikidza neHurumende nezvekushandisa zvinosanganisira motokari 30 dzakasimba dzavakatipa. Izvi zvinoendesa basa redu mberi zvakanaka nekuti zvekufambisa pamwe chete nekutakurisa zvinhu tava nazvo.”

Snr Asst Com Tanyanyiwa vakazokurudzira mapurisa kuti vasiyane nenyaya dzemhirizhonga muwanano dzavo zvakaita sekurova madzimai pamwe chete nevarume kudzimba.

Share This:

Sponsored Links