Uncategorized

Huya tikuone: Dr Parirenyatwa

20 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Huya tikuone: Dr Parirenyatwa

Kwayedza

DR PARIRENYATWAGURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanoti musikana wekuGlen Norah A, muHarare, uyo ane dambudziko rekumera zvinhu zvisinganzwisisike kusikarudzi yake anofanirwa kuenda kunobatsirwa kuchipatara nekukasika.

“Musikana uyu ndinomukurudzira kuti amhanye kunorapwa pasina kupedza nguva. Hapana chimwe chaangaite chinokunda kunorapwa, ngaauye tinomubatsira pasina kana muripo,” vanodaro Dr Parirenyatwa.

Vanoti havagone kutsanangura kuti musikana uyu ane denda rudzii asati aongororwa namachiremba.

“Pane zvakawanda zvinokonzera kumera nyama, atinoti magrowth kunhengo dzakavandika. Dzimwe nguva chinogona kuita chirwere chemhando cheSTI (zvepabonde) kana gomarara. Zvose izvi zvinoda kuti musikana uyu atariswe namachiremba toziva chaizvo zviri kuitika paari,” vanodaro.

Mukuru wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obediah Moyo, vanotiwo vakazvipira kubatsira musikana uyu pachena padambudziko rake.

Musikana uyu, Tarisai Batoni (20), ane fungidziro yekuti zviri kumera pamuviri wake zviri kukonzerwa nekushinhirirwa kwaakaitwa nemumwe murume wekuSouth Africa uyo waakashinha naye pabonde.

 

Share This:

Sponsored Links