Uncategorized

Hwindi, mutyairi vakaba mari

21 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MUTYAIRI wekombi pamwe chete nakondakita wake, avo vakaita museve waenda neuma ndokutsakatika nemari yemunhu wavanoshandira, vakaigochera pautsi zvichitevera kutongerwa kwavakaitwa nedare kugara mujeri kwemazuva 60 pamumwe nemumwe wavo.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Oliver Mudzongachiso, akazosendeka padivi chirango chose chaaive apa kuna Aaron Katyira (28) naArtwell Mangwiro (28) paine chitsidzo chekuti vanofanira kuripira mumhan’ari — Peter Madzure (37) wepanhamba 26836 Unit J kwaSeke, $80 yavakamubira.

Pamari iyi, mumwe nemumwe wavo akanzi abvise $40.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti nomusi wa27 Kukadzi gore rino munguva dzemanheru, vaviri ava vakapedza basa ndokubva vaenda kumba kwaMadzure kuti vanosiya mari yavainge vashanda pazuva iroro, asi vakawana asiko. Vakazosangana nemudzimai waMadzure ari pamba pemumwe mudzimai anonzi Memory Bore ndokubva vada kumupa mari iye asi akairamba achiti vaifanira kunoipa kumurume wake. Sezvo mumhan’ari akange asiri kumba kwake, vaviri ava vakabva vangoita museve waenda neuma ndokutsakatika nemari iye.

Nomusi wa4 Kubvumbi gore rino, Mangwiro akaenda kumba kwaMadzure achibva abvunzwa nezvemari iye asi akakundikana kumupa mari yake zvikaita kuti asungwe.

Kunyangwe zvazvo vaviri ava vakaedza kuvhika mhosva iyi, vakabatwa nemhosva zvichitevera umboo hwakabuda mudare.

“Mhosva tinoiramba, mudzimai wemumhan’ari ndiye akatiramwira mari patakange tichida kumupa,” akadaro Mangwiro.

Varume vaviri ava vakatongwa nemhosva yekuba midziyo yemuridzi yavanenge vachivimbiwa nayo kuti vakaichengetedza (Theft of trust property).

Share This:

Sponsored Links