Uncategorized

ICASA ichaunza bhizimusi muZim

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
ICASA ichaunza bhizimusi muZim

Kwayedza

GADZIRIRO dzemusangano mukuru weInternational Conference on AIDS and Sexually Transmitted Infections in Africa (ICASA), uyo uchaitwa kubva musi wa29 Mbudzi kusvika 4 Zvita muHarare uchitarisirwa kuunza mabhizimisi kune veruzhinji vemuno, dzave padanho repamusoro.

Vachitaura pamusangano wakaitwa munguva pfupi yadarika, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, avo vanove zvakare mutevedzeri wasachigaro weICASA, vanoti gadziriro dzemusangano uyu dziri kufamba zvakanaka.

“Munhu wese akasununguka kunge achipinda mumusangano uyu pasina rusarura nekuti donzvo redu nderekurwisa HIV neAIDS munyika, zvikuru kuburikidza nekupakurira vanhu mashoko echenjedzo,” vakadaro.

Nekune rimwe divi, gurukota rinoona nezvekushanyirwa, Cde Walter Muzembi, vanoti uyu ndiwo mukana mukuru wekuti Zimbabwe inge ichizvishambadza kunaka kwayo pamwe nezviwanikwa.

“Tinofanira kudada nenyika yedu kuti tive tinobura mari kubva muzviwanikwa, dzimba, mahotera, mitambo yechinyakare yemuno, mbatya, chikafu nezvimwe. Saka kana tikange tawana mukana wakaita seuyu tinokwanisa kubura mari yakawanda inobatsira mukusimudzira upfumi hwenyika,” vakadaro.

Vakakurudzira vemabhizimusi nevamwe vakazvimiririra kuti vatenge masitendi panzvimbo ichapindirwa musangano uyu kuitira kuti vakwanise kuzvishambadza.

Musangano weICASA wekutanga wakaitirwa kunyika yeDemorcatic Republic of Congo muna 1995 nechinangwa chekurwisa matambudziko ayo akange ari kusanganikwa nawo nevanhu vemuAfrica, zvikuru eHIV neAIDS, asi iko zvino wave kubatawo zvimwe zvirwere zvakaita seEbola, malaria necherurindi (TB).

Musangano wemhando iyi unoitwa mukati memakore maviri uye wekupedzisira wakaitirwa kuCape Twon, South Africa muna2013.

Musangano weICASA wemuna 1997 wakaitirwa kuCote d’Voire, 2007 kuNigeria apo vaimboveve mutungamiriri wenyika yeSouth Africa, mushakabvu Nelson Mandela, vakaupindawo uye kwaive nevanhu 11 000. Muna 2007 wakaitirwa kuSenegal uye 2011 ukaitirwa kuEthopia ukapindwa nevanhu 10 000. Musangano werudzi urwu une hwaro hunotevedzwa kusanganisira chirongwa chine zvidzidzo zvesainzi zvinenge zviine mifananidzo nedudziro nechemadzimai evatumgamiriri venyika vemuAfrica.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>