Ichokwadi kuti kusaziva kufa

02 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Ichokwadi kuti kusaziva kufa

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya inoratidza kuti kana vanhu vakashaya ruzivo rwakazara pamusoro pechinhu, vanokwanisa kuisa utano hwavo panjodzi.

Nyaya iyi ndeye varimi vekuGokwe avo vanonzi vari kukwesha “nhova” dzemombe dzavo nemasaga akanyikwa mumunyu vachishandisa mawoko senzira yekurwisa chirwere chemahwanda (foot and mouth) izvo zvine njodzi huru sezvo vanhu ava vachikwanisa kutapurirwa chirwere ichi.

Varimi ava havana ruzivo rwekuti apo pavanenge vachikwesha mombe idzi mukanwa, dzinobuda ropa nemarute zvinenge zviine utachiona hwechirwere ichi zvichizoita kuti vagone kuchibatira.

Chirwere chemahwanda chinonzi chatekeshera zvikuru kuGokwe izvo zvakaita kuti vebazi rinoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kuzvipfuwo, veDepartment of Veterinary Services, vaende kudunhu iri kunopa varimi dzidziso pamusoro pezvirwere zvemhuka.

Apa ndipo pakabuda kuti varimi vari kushandisa nzira dzisiridzo kudzivirira nekurapa chirwere chemahwanda – kwete nekuda asi nekusaziva.

Kunze kwekukwesha mukanwa memombe idzi nemunyu, varimi ava vari kushandisa dzimwe nzira semishonga yechivanhu nekuda kuti zvipfuyo zvave zvirarame.

Varimi ava vanoti havanai mari yekutenga mishonga yekurwisa chirwere ichi. Pamusoro pezvo, vanoti zvakare havakwanise kuwana $2 iyo inodiwa kuti vabhadhare kuti mombe dzavo dzidhibhiswe.

Nekudaro, zviri pachena kuti varimi ava vanopedzisira voshandisa nzira dzine njodzi kuutano hwavo idzi mushure mekunge vapererwa.

Kune vamwe vanhu zvakare vanodya nyama yemombe nezvimwe zvipfuyo zvinenge zvafa zvoga nezvirwere zvakaita sechemahwanda kana chetungundu izvo zvinoisa utano hwavo panjodzi huru.

Chinonetsa ndechekuti kune vamwe vanogona kuziva kuti mombe yavo yafa nechirwere asi vodya nyama yacho kana kutoitengesera vamwe anove maitiro asina kunaka zvikuru.

Nguva pfupi yadarika, pane vanhu vaviri vakafa kuBinga mushure mekunge vadya nyama yemvuu dzakange dzafa dzoga nechirwere chetungundu. Zvinorwadza kuona vanhu vachirasikirwa neupenyu nenzira dzinokwanisa kudzivirirwa. Bazi reDepartment of Veterinary Services rine basa guru rekupa dzidziso kune veruzhinji pamusoro penjodzi yekudya nyama yemhuka dzinenge dzafa dzoga. Zvakakosha kuti bazi iri ritore matanho akasimba ekuti zvipfuyo zvidzivirirwe kubva kuzvirwere zvakaita sechemahwanda. Tinodaro nekuti pari zvino Hurumende ine chirongwa chekusimbisa danga renyika kuburikidza neCommand Livestock.

Izvi zvinotevera budiriro huru yeCommand Agriculture, iyo yaona nyika ino ichitarisira kuwana goho guru zvichitevera kubatsirwa kwakaitwa varimi nezvekushandisa zvakaita sefetereza nembeu neHurumende.

Saka kufa kuri kuita dzimwe mombe kumatunhu akaita seGokwe nekuda kwezvirwere zvemahwanda izvo zvinokwanisa kudzivirirwa kunodzosera kumashure chirongwa chekuvandudza danga renyika.

Zvakakosha kuti bazi reDepartment of Veterinary Services rishande nevarimi zvizere mukudzivirira zvirwere zvezvipfuyo, panguva imwe cheteyo vachivapa chenjedzo neruzivo. Chionai zvino vamwe varimi vave kuisa utano neupenyu hwavo panjodzi nekuda kwekusaziva kuti kushandisa munyu nemasaga hazviitwe. Ndokusaka zvichinzi kusaziva kufa!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>