Imbobika huku

11 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Imbobika huku

Kwayedza

Zviri Mugapu na Muchaneta Chimuka

NYAMA yehuku haingodi kubikwa nenzira imwe chete sekufuraya kana kuti kukanga-kanga nemafuta sezvo ichipedzsira yave kufinha kuidya.Svondo rino Mai Natasha vekuZengeza 3, kuChitungwiza, vanotsanangura pamusoro pekubika nyama yehuku inonzi chicken stew nenzira isiri yekukanga nemafuta.

Zvinodiwa:

Tengai nyama muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo kana kuti munogona kuuraya huku yenyu zvine utsanana monyatsoiundura kusvikira manhenga ose abva.

Gezai huku kusvikira yachena mocheka zvidimbu zvakafanira.

Matomatisi, hanyanisi, green paper, munyu nechicken spice.

Mabikiro:

Chekai green paper nehanyanisi moisa munyu wakafanira.

Kangai hanyanisi mumafuta mashoma mozokanda matomatisi negreen paper.

Wodini?

Chikandai nyama yehuku mupoto makare mosiya zvimbokwata kwemanimitsi gumi nemashanu. Musaregedze nyama ichinyanya kuibvisa zvekusvika pakubvungunjika.

Kana muchifarira masipaisi munogona kuisa chicken spice.

Munokwanisa kudya nyama nesadza jena riri dete.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 773 394 753.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>