Imbondisiyai: Ndiraya . . . ‘Handina chekuita neDeMbare’ . . . ‘Imbopai Lloyd Mutasa nguva’

20 May, 2016 - 00:05 0 Views
Imbondisiyai: Ndiraya . . . ‘Handina chekuita neDeMbare’ . . . ‘Imbopai Lloyd Mutasa nguva’

Kwayedza

TONDERAI “Stanza” Ndiraya anobuda pachena svondo rino kuti haana zvaanoziva pamusoro pemashoko ari kubuda ekuti ari kudiwa kuti adzoke kunorairidza chikwata chenhabvu cheDynamos FC icho “chakamusvipa” mwaka wa2015 uchingopera.

Svondo radarika, DeMbare, sezita remadunhurirwa reDynamos, yakadzinga basa ange ari murairidzi wechikwata chine mukurumbira ichi, mubvakure Paulo Jorge Silva, sezvo ange achitambura kusimudza DeMbare kubva mumatambudziko akaimomotera ndokutsiviwa naLloyd “Samaita” Mutasa uyo ange agara ari mutevedzeri wake.

Asi kugadzwa kwaSamaita pachigaro chinopisa ichi kuzere nekugeda-geda kwemeno sezvo vamwe vatsigiri veDeMbare vachiti vanoda kuti chikwata ichi chidzose Ndiraya uyo akachirairidza mwaka wadarika zvichitevera kudzingwa kwakaitwa David “Yogi” Mandigora.

Svondo radarika irori, vatsigiri veDynamos vakasandura nhandare yeRufaro nemisha iyi pedyo muMbare kuita nhandare yehondo apo vakadya magaka mambishi mushure mekunge chikwata chavo chakwapaidzwa 1 kwa”nya” neFC Platinum.

Zvakadaro, pakatanga mwaka uno wenhabvu, Ndiraya akabuda pachena kuti ane tariro yekupihwa mukana wekurairidza chikwata ichi, icho chaakambotambira kare, asi akazobatiswa pasi basa rehurairidzi ndokupihwa Silva.

Gore radarika, Ndiraya akamira-mira mumwaka wake wekutanga achirairidza muCastle Lager Premiership apo akatungamira Dynamos ikapedza iri pechipiri mumashure meChicken Inn, iyo yakaibvutira mukombe wayange yatora kwemakore mana akatevedzana.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro naNdiraya apo akati: “Handina chekutaura pamusoro penyaya iyi. Dynamos ine murairidzi wayo, Lloyd Mutasa.

“Mutasa anongoda nguva chete kuti vatambi vechikwata ichi vatambe sezvaari kuvarairidza uye iye hake anoziva chikwata ichi zvakanyanya sezvo akambochirairidza kare,” anodaro Ndiraya.

Abvunzwa kuti Mutasa, uyo waakamboshanda naye kuchikwata ichi, anomuona achibudirira here sezvo paakapedzisira kurairidza akazoita zvekudzingwa akatsiviwa naCallisto Pasuwa, Ndiraya anoti: “Samaita anoziva basa rake, anongoda nguva chete.

“Ndakashanda naye zvangu asi panguva yacho ini ndainyanyoshanda nevechidiki chete, ndaidzidza zvakawanda kubva kwaari.”

Nguva pfupi yadarika, pakambobuda mashoko ekuti mutungamiri weDynamos Kenny Mubaiwa pamwe nemunyori mukuru wechikwata ichi (secretary-general), Webster Chikengezha vakaonekwa pane imwe nzvimbo vachiita hurukuro naNdiraya vachida kuti adzoke kubasa zvichitevera kukundwa kwayakange yaitwa neCAPS United mumutambo unodaidzwa kuti Harare Derby.

Zvisinei, Ndiraya haana kuda kutaura nezvenyaya iyi.

“Handina zvandingataure pamusoro penyaya iyoyo,” anodaro.

Mutasa akapihwa mitambo mishanu kuti aratidze kuti anoziva basa rake uye svondo rino Dynamos iri kunanga kuWhite City Stadium, kuBulawayo, uko ichanosangana neTsholotsho FC.

Zvakadaro, Murape Murape – uyo akambotambirawo chikwata ichi – ndiye akasarudzwa svondo rino kuti ave mutevedzeri waMutasa.

MITAMBO YEPSL

Triangle United vs Bulawayo City

Mutare City vs Chicken Inn

CAPS United vs Kariba

Hwange vs How Mine

Platinum vs Border Strikers

Tsholotsho vs Dynamos

Highlanders vs Harare City

Chapungu vs Ngezi Platinum

 

Share This:

Sponsored Links