IMBWA HAIHUKURE SADZA: Eeka wakafa zveshuwa!

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views

Kwayedza

UNOZIVEI? Zvimwe zvinhu haasi mashura. Inguva zhinji kwazvo dzandinonzwa vanhu vapenyu vachinzi nevamwe – “Aah munoreva nhingi here? Akafa kare uya!”

Chinenge chichitaurwa ndechekuti unogona kunge uchiverengwa panoverengwa vanhu vanodya sadza nekuenda kuchimbuzi, asi chokwadi chaicho chinenge chiri chekuti haubatsire chinhu muhupenyu hwako, nehwevamwe vanhu. Kazhinji vanhu vanowanzoverengwa kuvafi, asi ivo vari vapenyu, vanhu vasingagone kuchengeta mukadzi nevana vavo.

Vanhu ivavo vanotoda vamwe vanhu vanovaonera vana vavo nekuvaendesa kuchikoro, asi ivo varipo zvavo vakati pfavava seshato yamedza mbudzi!

Nyaya yakabuda muKwayedza svondo rakapera ingaite sekuti mashura kuti murume wekuenda kuSouth Africa akanochona ariko akazonzi afa, hama dzake dzikatoviga mutorwa, iye ariko kuSouth Africa. Hapana mashura apa kana vanhu vachiti vakakuviga, asi iwe uri mupenyu.

Kurega kudzoka kumusha kwako ndicho chiratidzo chekuti uri chitunha. Ungaite makore maviri uri pano paseri pemadziro eZimbabwe paSouth Africa, uchitoshanda, asi wotadza kana kufona kumba, kana kungotumirawo pakiti reshuga zvaro kumukadzi nevana? Unoshamisa sembwa iri kupinimidzwa nemuswe, panzvimbo yekuti iyo ipinimidze muswe.

Wakanga uchinyanyoitei chinobva chaita kuti upedze makore maviri usina kumbotsika kumba?

Ichokwadi uri chitunha iwe, haungaverengwe kuvapenyu nekuti kana iye mukadzi wawakasiya unodzoka uchisvikoti kudii kwaari? Unombomufungawo here kuti akanga achifungei pakauya chitunha chemutorwa chakazovigwa chichinzi chitunha chako? Asi pamwe nekuda kwekurova kwako, anogona kunge akatoti zvandibva kumeso kufa kwemukuwasha benzi!

Kuverengesa mwana wevaridzi pakati pechirikadzi, iwe uri muJoza uchidya masoseji, kuno mukadzi, baba, amai, vana nehama vachichema rufu rwako? Kumedzwa neJoza sekunonzi ikoko kana uriko unenge wave mwana waZuma! Shamwari dai ndirini iwe, nembiri inonyadzisa iyi, handaimbotaura zvekudzokera kuJoza kunochona zvakare, nekuti chichaitika iko zvino ndechekuti uchazononyatsofirako, vanhu vakarega kutirimuka nekuti vanenge vachiti uchauya hako.

Kutsvaga mari hakuna kumboipa, asi kana tikange taenda kunotsvaga mari tobva taita bete rawira mumukaka, hapasisina chikonzero chekuti tiverengwe kuvapenyu. Nyangwe zvikanzi mudzimai wako akanga asina kugarwa nhaka, mubvunzo ndewekuti akanga asina kukandwa shoko nemumwewo munhu here akatomuda. Nekuti kana Bhaibheri rinotaura kuti vakadzi vechidiki ngavaroorwe kana vachinge vafirwa. Ko kana mukadzi wako akange otoita zvimwe nemumwe munhu achiti murume wake akafa?

Ko iwewe wacho pamakore maviri awanga wakachona uri kuJoza iwaya, wanga uchigara wega, wakazvibata?

Charles Mungoshi akabvunza kuti, “Kunyarara hakusi kutaura?” Ichokwadi ichocho chaakanga achitaura kuti kunyarara kutaura. Newe kunyarara kwako, iwe une nhamba dzevanhu vese kuno kumba, asi vari kuno kumba vasina nhamba dzako dzekuJoza, zvinoreva kuti wakaita sarudzo yekuti usiyane nezvekumba. Dai pasina maporofita ekuZion akakuti imbodzokera kumba, dai nazvino uchiri kuJoza. Saka shamwari, hauna kuuya kumba nekuti wakanga uchida kuuya kumba, asi wakauya nekuda kwetsanaguro.

Mwari vanoti, “Munhu anofanira kusiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake, vave nyama imwe.” Iwe wakanamatira kuJoza, ukanamatira kubasa! Wakarasika!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey