IMBWA HAIHUKURE SADZA: Kufumira foni sekunonzi isipo

02 Jul, 2015 - 19:07 0 Views
IMBWA HAIHUKURE SADZA: Kufumira foni sekunonzi isipo

Kwayedza

KUNGOMUKA watobata foni, kuti isipo kana tauro rekugezesa here? Nguva dzemangwanani inguva dzerunyararo, nguva dzekuputunura pasuru dzezuva idzva mupfungwa usingamhanye-mhanye. Zvino ndipo paunoona kuti kune vamwe vanhu vanoshamisa zvekuti vanongofumira mumaraini kunofurufusha vari mudzimba dzavo, vari kuedza kugamuchira zuva idzva. Chiiko chinombopa munhu kuti afumire pafoni, achitumira mameseji munguva dzakaita sedzatiri dzino dzekuti chando chiri kukwidza hamba mumuti, asi chobva chaidonhedza futi kubva mumuti macho nekuti jogirafu inoti kukwira kwako uchienda mudenga, nechandowo chinobva chawedzera?

Handisi kuda kurasika. Ndiri kupopota kana kuti ndiri kuda kuonesana nevanhu vanofunga kuti vari kundiitira fevha vachifumonditumira mameseji pafoni pangu mangwanani-ngwanani. Newewo unavo vanhu vakadaro, vanongofumira kubata foni kunge ndiyo tauro nesipo!
Ugoona kuti mameseji acho anenge ari ekuti kudii? Zvinhu zvenhando zvega zvega zvakazara hunzenza hwakangonzi kikikiki.

Ini ndazvishayawo chokwadi kuti idzo foni nemaWhatsApp aya, zvakauya kuzobatanidza vanhu here kana kuti kuzosvota vanhu? Regai mumwe akazoti, “Isu hatiite zvemagroup!”

Saka kana ukange uine tsika yekuti pawamukira wave kutotsvaga foni yako kuti uone mameseji akapinda husiku, ndizvo here zvinokupa kuti ubva wati na5 kana na6 pindikiti mumba mangu, wopfuurira kunopinda mubhedhurumu mangu uchindinyaudza? Zvibate mhani, uye foni yako ngairege kufanana natenzi vayo!

Mangwanani haisi nguva yebvepfepfe rinenge remapfeni ari kutiza nyoka! Mangwanani inguva yekufunga nekuwaranyura mazano akanga akutiza nezuro manheru. Inguva yekuronga zuva rako kuti richafamba nenzira dzipi.

Mangwanani akafanana nemvura iri mutsime. Kana ukasvika patsime mangwanani-ngwanani, unotombotya kuti uchere mvura nekuti tsime rinenge rakanyarara kuti zii, uye mvura yacho inenge yakachenera svoto.

Ipapo kana ukaisa chigaba chako chekucheresa mvura, uchaona kuti unenge watopeputsa tsime ranga rakazvirarira zvaro, rakazvinyararira uye richifunga. Munguva dzemangwanani, tsime rinenge risina mabvondwe. Tsime harizvibvondore rega, rinobvondorwa nevanofumirako kunokanganisa runyararo rwaro.

Nguva yemangwanani inguva yekusiyana nekutsvaga makuhwa. Inguva yekusiyana nekufumira uchiverenga WhatsApp nekutumira mameseji ekumutsa vanhu. Siya vanhu vamuke vachinamata kutenda Mwari nezuva idzva. Kwete kuti vamuke vachinyaudzwa newe nekuti hauzive nguva dzinoita nedzisingaite.

Inini zvangu nguva yangu yemangwanani ndinoda kuipa kuna Mwari, kuti ndinamate, ndiverenge shoko ravo pamwe chete nekukumikidza zuva rangu kwavari. Kufanana nepaye panonzi vana veIsiraeri vaiwana manna yaidonha kubva kudenga mangwanani ega ega, iniwo ndinotora shoko raMwari semanna yangu mangwanani. Ndinoda nguva yekuridya kuti rindigutse kuti ndisazotsvaga kudya kunorwarisa, kunouya neWhatsApp.

Zvinonzi vana veIsiraeri vaiti vakarega kuunganidza manna yaivakwanira musi iwoyo, yainyongedeka. Zvaitiwo vana veIsiraeri vakatora manna yakawanda kudarika yavaikwanisa kudya, vaizoiwana yaora. Manna yaiburuka mangwanani. Neshoko raMwari ngaridyiwe mangwanani.

Bhaibheri rinoti, “Mirira mangwanani. Mufaro unouya mangwanani.” Iwe chirega kufumira kufowadha mameseji anouya achimhanya mufoni mangu sevaroyi vayedzerwa. Ngatitaurewoka kana kwadziya, ini ndagadzikana, iwe wagezawo mukanwa nemuviri, wabvisa nightdress nechisokisi chaunorara wakasungisa vhudzi rako kana kuti mapijama!

Share This:

Sponsored Links