IMBWA HAIHUKURE SADZA: Mwari misai nyika ndiburuke

23 Jan, 2015 - 09:01 0 Views
IMBWA HAIHUKURE SADZA: Mwari misai nyika ndiburuke

Kwayedza

KANA mukuwasha odanana namai vemukadzi zvekusvika pakuita vana, kuda bonde kwacho ratove dhimoni. Atezvara voti, “babamunini” kumukuwasha? Ko vana vamunozvara voti chii kuna ambuya vavo vanovezve amai vavo?

Tichikura tiri kumusha taidzinga imbwa dzinenge dzichiita zvehumbwa tichiti, “Kure!” Kureva kuti ngadzisaitira humbwa hwadzo pavanhu vane hunhu.

Kana kusazvidzora kwasvika sekwenyaya yaambuya nemukuwasha vekuTrelawney, kuMashonaland West, yakabuda muKwayedza iyi, ini ndinoti “Mwari chimisai zvenyu nyika ndiburuke!”

Kana ukaenda nemudzimai wako kune imwe nzvimbo yaunenge wakokwa, ukamusiya pamunenge muchigara, iwe uchimboenda kunoita zvimwe zvinhu asi wodzoka uchimuwana akagara pasofa, achisona hembe yemumwe murume, asi murume uyu akagara pasi akarara pamakumbo emukadzi wako vachitaura nyaya unoita sei? Varume vazhinji pakadai tinodzima nehasha.

Nyangwe pasina zvimwe zvatinenge tabata pavaviri ava, pfungwa dzedu dzinoenda kure-kure kwazvo. Izvi zvinogona kuwedzerwa nekuti kana vaviri ava vachinge vakuona, vese vanoedza kuti zviite sekuti vanga vasina kuzemberana. Pakadai, pamwe mukadzi wako anobva asimuka achibuda asina chaataura. Pamwe murume uye anobva asimukawo, otora hembe yake yanga ichisonwa, obva aendawo kwake.

Kusawana anotsanangura kuti chii changa chichiitika kunowedzera marwadzo neshungu. Nyangwe mudzimai wako ari munhu wawagara naye kwemakore, nyangwe usina kumubata ari mumagumbeze nemunhu uyu, chinorwadza nekupa hasha magariro avanga vakaita.

Kuwirirana nemumwe murume zvakanyanya zvekusvika pakumusonera hembe kunobaya setsono. Kubatsira vamwe hakuna kuipa, asi ko kurara pamakumbo muchitaura nyaya kwarevei?

Ko ipo paye panonzi mukadzi wemumwe ndiambhuya pakanganwikwa sei? Ko iye mukadzi wako arega murume uyu achirara pamakumbo ake chirudzii? Hakusi kupfimbwa here uku?

Ko zvazvadai, zvogadziriswa sei? Zvinogadzirisika here? Wotevera mukadzi wako here kana kuti wotevera murume uyu kuti unomubvunza kuti chii chiri kuitika? Ko pamuchatanga kutaura uchamuti kudii?

Kunyengedzwa kunorwadza. Kuona rudo rwenyu rwuchimhedurirwa vamwe kunouraya mwoyo. Mwari vanoti kwatiri, “Usava nevamwe vamwari kunze kwangu . . . nekuti ndiri Mwari ane godo.”

Nhau dzekusatendeka dzinorwadza zvikuru. Mwari vachitisika, havana kutisikira kuti tide zvimwe zvinhu zvisiri ivo. Mwari vakanga vachigara vachinetsana nevaIsiraeri nenyaya dzechipfambi kana kuti hufeve hwavaiita.

VaIsiraeri vaiti kana vakangopinda mune imwe nyika, vakagaramo, vaibva vatokanganwa Mwari wavo akanga avaburitsa muIjipiti, akanga avarwirwa kubva kuna Faro, akanga avavhurira gungwa kuti vafambe pakaoma.

Zvizhinji zvakanga zvaitirwa vaIsiraeri naMwari, asi vaisada Mwari nemwoyo yavo yese.

Vaibvumira vamwe ana mwari vemunyika dzavakanga vachipinda nekugara kuti varare pamakumbo avo vachivaitisa nyaya. Ipapo Mwari vairwadziwa, vaichema, vopedzisira varamwa vanhu vavo.

ZvaGumbura zviye ndezvekunyepa! Rudo imba inokwana vanhu vaviri chete, kana ikapindwa newechitatu inenge yatozarisa zvisingaite. Mwari vanoda kutishanyira, asi havatiwane here tichipunza hukama hwedu navo, tichitanga kuvaka humwe hukama nevamwe vanhu?

Mwari vanovenga kurambana nekuti ndivo vakati vaviri vachave nyama imwe chete. Wanano inomiririra hukama hwaMwari nevanhu.

Kudanana kwedu ngakuve kusingape mumwe wako pfungwa dzekuti takawanda. Kunyanya kana mukuwasha naambhuya vave kutoitisana vana!

Share This:

Sponsored Links