IMBWA HAIHUKURE SADZA: Nzira yakadya munhu aifamba

09 Jan, 2015 - 09:01 0 Views
IMBWA HAIHUKURE SADZA: Nzira yakadya munhu aifamba

Kwayedza

KUNE nzira dzatinofamba nadzo dzinouraya. Dziriko nzira dzekuti vamwe vari kufamba madziri havafe, asi vamwe vakangofamba nadzo chete, vanofa. Dziriko nzira dzekuti vanhu vanozonzwa nezverufu rwemunhu aurayiwa nenzira iyoyo, vanoshamisika kuti sei iyeye akauraiwa nenzira iyoyo akafa, asi vamwe vachingofamba nenzira iyoyo, vasingafe.

Kune vanhu vanourayiwa nenzira yavamedza nayo, asi vanhu vachingomedza mazuva ese, nyangwe netucheche. Pane mukuwasha akafa nenzara achinyara kukumbira chikafu. Asi ambhuya vake pavakangosimuka paguyo pavaikuya vachipota seri kwemba, murume uye akabva anombora tudovi, asi tudovi itwotwo twakabva twamudzipa akatofa.

Rimwe gore kuLondon, mumwe murume akanga achitozvifambira zvake achiimba chimbo chekurumbidza Mwari. Akanga akapfeka yunifomu yake yechechi reSaravhisheni. Mumugwagwa maaifamba umu maive nevamwewo vanhu vaifambamo vakawanda. Murume weSaravhisheni uyu achifamba kudaro, pasi pakangoerekana paita mwena wakavhurika, achibva angowira kana kuti amedzwa nemwena uye. Mugwagwa uyu, uri mukati meguta reLondon wakasara une ziburi, asi munhu pasisina. Nzira yakanga yadya munhu aifamba mairi.

Vanochera vakaedza kuchera vachishandisa michina kuti zvimwe vangawane mutumbi wemurume uyu, asi havana chavakawana. Chavakatozoona ndechekuti buri iri rakanga rakanobatana nemugodhi wezvicherwa wakare-kare. Hazvina akaziva kuti mutumbi wemurume uyu wakaenda kupi. Murume weSaravhisheni uyu akanga achiimba chimbo chekurumbidza Mwari ndiye ega akangomedzwa nepasi pakangoita zvekuvhurika apa. Vamwe vese vakanga vachifamba munzira yaifambwa nemurume uyu havana chakaitika kwavari.

Ndivo vakatozoudza vakasara kuti buri rakanga ramedza munhu weSaravhisheni akanga achizviimbira zvake chimbo chekurumbidza Mwari wake.

NemuHarare, pane nzvimbo inopfuura vanhu vazhinji kwazvo mazuva ese. Nzvimbo iyi haifambe mota, asi inzira yakagadzirirwa kuti vanhu vafambe zvakanaka vari parutivi pemugwagwa wemota. Panzvimbo iyi pakafira mumwe musikana wandaiziva. Akanga achizvifambirawo zvake, achienda kwaakanga achienda, asi pasi hapana kuvhurika. Pane simbi yemureza yakanga yadyiwa nengura yakangoerekana yadonha ikamurova mumusoro achibva angofira ipapo.

Ndakanzwa kuti munzira iri pedyo nepakafira musikana wekuwirwa nesimbi yemureza uyu, pane mumwewo murume makore mashoma akapfuura, akanga achizvifambira akadhonzwa nemapaipi anorasa mvura inenge yanaya kuti isafashukire mumigwagwa. Mutumbi wemurume uyu unonzi wakazonowanikwa wave kune rimwe divi reguta reHarare.

Rufu harwuzivikanwe kuti rwunouya uri papi. Rufu rwunogona kuuya iwe uchitofamba munzira yako, uchiti ndine kwandiri kuenda. Rufu rwunogona kukudimurira nzira yako iwe wanga uchiti, “Gore rino 2015, ini ndiri kuda kuita izvo nezvozvo.” Kufanana nemurume akanga achichengeta mari kwenguva refu yekuti azokwirawo ndege. Asi akati atenga tiketi rake rendege, zvaakanga achironga hazvina kuitika nekuti akatsikwa nemota yaaida kukwira achienda kunokwira ndege.

Muhupenyu hwedu tiri kufamba nzira zhinji kwazvo, asi hadzisi dzese dzinotisvitsa kwatiri kuenda. Dzimwe nzira dzatiri kufamba hadzisi nzira dzetsoka, asi inzira dzesarudzo dzatakaita muhupenyu. Nzira dzesarudzo ndidzo dzakawanda kwazvo muhupenyu. Kutanga kwegore kudai, zvinhu zvinobatsira kuti usarudze nzira yekuti nyangwe nzira yako pano panyika ikamera buri kana kuti ikakukonzera kuti utsikwe nemota, unongosvika kune nzira inofambwa nekusvikwa nyangwe nevakafa.

Panzira dzese dzatinoziva, angave mahighway, freeway, mikoto, dzekudimurira kana dzine makoronga, pane nzira imwe chete inosvitsa kwauri kuenda. Jesu anoti, “Ndini nzira, chokwadi nehupenyu.”

Share This:

Sponsored Links