IMBWA HAIHUKURE SADZA: Ukafa unoenda kupi

13 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
IMBWA HAIHUKURE SADZA: Ukafa unoenda kupi

Kwayedza

casket-over-plot-MUSHURE mekunge mukuwasha wangu afa achiita sekuti ane vanhu vakanga vachimurambidza kupinda kune imwe nzvimbo yaaida kuenda, hatizive zvakazoitika. Asi nyangwe akanga ave kufa, akanetsana nevanhu vatakanga tisingaone ava achiti, “Ibvai ndipinde.”

Zvakaitika kwaari zvakandisvitsa panyaya yekasikana kakanyorwa mudhayari raJohn Wesley. Kasikana aka kakafa, kakaenda kuGehena nekudenga. Kasikana aka kasvika pachigaro chaMwari kakati:

Ipapo Tenzi vedu vakatora bhuku rekutanga, ndokuribata vakaenda naro vakanoti, “Baba, tarisai minamato nemabasa evanhu vangu.”

Vakasimudza mawoko avo, ndokunamata vachitikumbirira kuna Baba. Handisati ndambonzwa izwi rakadaro, asi handigone kuritsanangura.

Baba vavo vakati, “Mwanakomana, ndinoregerera vanhu vako; kwete nekuda kwavo, asi nekuda kwako.”

Mushure mezvo, Tenzi vakanyora zvakanga zvataurwa naBaba mubhuku rechitatu vakadzokera kuchigaro chavo, vachifara pamwe chete nevagari vazhinji vedenga.

Zvinoita sekuti ndakagara munzvimbo iyi kwemwedzi yakawanda; asi handina kana kumborara nguva yose iyoyo. Zvakarewo kwakanga kusina husiku. Uye handina kumboona denga kana zuva, asi chiyedza chakajeka chete chete chaive kwese.

Takabva tadzokera kumusiwo wakakura kwazvo, wakavhurwa nemurume aindiperekedza. Takafamba munzvimbo yaive nemaruva anoyevedza aive mutukova nezvitubu. Pataifamba, ndakati handisi kuona hanzvadzi yangu yakanga yafa makore adarika.

Murume aindiperekedza akati, “Mwana, hausati wave kukwanisa kuziva hanzvadzi yako nekuti mweya wako uchiri mumuviri wako. Mweya wako uchadzokera panyika. Unofanira kugara uchinamata; kana mweya wako wazobuda mumuviri wako, unozodzoka kuno zvakare wosanganiswa nevanhu vari kuno. Ipapo ndipo pauchazoziva vanhu vose sezvawaiita kare.”

Ndakabvunza kuti zvichaitika riinhi.

Akati, “Handizive, uye hapana kana mutumwa anozviziva kunze kwaMwari voga.”

Akabva aenda neni kune mumwe munda wakanaka waive nemichero yakasiyana-siyana. Akati, “Munda uno unongogara uine michero.”

Munzvimbo iyi ndakaona imwe nzvimbo yaive nemavara makuru egoridhe akanga akanyorwa pamusoro pemusiwo. Akanditi ndiverenge; ndikaverenga ndichiti, “Ichi chitubu chevanhu vangu chezvivi netsvina. Chero pavanenge vadzoka kwandiri, vachagezeswa vachibviswa zvimwari zvavo.”

Musiwo wacho wakavhurika, ndikatarisa mukati ndikaona muine zitsime rakazara nemvura yakachena kunge mukaka. Zvakaita kunge takafamba mumunda uyu kwemasvondo akawanda kwazvo uye akandiudza kuti zvose zvairevei.

Handina kumbobvira ndanzwa nzara, nyota kana kuneta.

Patakanga tichifamba, akanditi, “Imba.”

Ndakabvunza kuti ndoimba chii, akati, “Imba nziyo dzekurumbidza Ishe wenzvimbo ino.”

Ndakaimba nziyo dzakawanda.

Akabva ati, “Ndave kufanirwa kuenda.”

Ndaida kwazvo kuenda naye, asi akanditi,

“Nguva yako haisati yakwana. Une basa rakawanda rekuita panyika.”

Apedza kutaura izvozvo, akabva aenda; ini ndichibva ndamuka, ndikatanga kutaura.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>