Uncategorized

Imhosva kuuraya shato: Zimparks

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Daphne Machiri —
BAZI rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka dzesango, reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (Zimparks), rinokurudzira veruzhinji kuti vasaite tsika yekuuraya mhuka kana zvimwe zvipuka zvesango sezvo kuita kwakadaro iri mhosva inoendesa munhu kujeri. Yambiro iyi yakapihwa nemukushi wemashoko kubazi iri — VaTinashe Farawo — zvichitevera kuuraiwa kwemukweshwa weshato yange yozivikanwa nekuzambira mushana mumusha weHatcliffe, muHarare, nemusi weSvondo wadarika.

“Tinokurudzira kuti vanhu vasaite tsika yekuuraya zvipuka zvesangano senyoka asi kuti vatishevedze kana vadziona. Isu tinouya nekukasika, tobata nyoka kana mhuka idzi tichinodziisa kwakachengetedzeka.

“Zvakakoshawo kuti veruzhinji vazive kuti tikavabata vauraya nyoka, zvisinei nerwudzi rwayo, imhosva inoendesa kujeri,” vanodaro.

Vachitaurawo pamusoro penyoka yakauraiwa iyi, mutungamiriri wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti shato hadzifanirwe kungouraiwa sezvo pachivanhu dzichitorwa senyoka dzemidzimu.

“Shato haingourayiwe nekuti pachivanhu chedu inokosheshwa zvikuru ichinzi ndeyemudzimu. Kana mutemo wenyika chaiwo unoti musauraya zvipuka zvesango,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Shato inyoka inoera zvakare haingosiiwi pose-pose kana yauraiwa, inotochengetedzwa zvakaita sekumahombekombe kwedhamu, kwenzizi kana pachuru nekuti haifanirwe kuonekwa pajekerere.”

VaKandiyero vanoti kune dzimwe n’anga dzinoshandisa mishonga yakasanganiswa nedehwe kana mafuta eshato.

“Dzimwe n’anga dzinoomesa dehwe reshato rokuiwa pamwe nekuzosanganiswa nemishonga yechivanhu iyo inoshandiswa mukurapa zvirwere zvakasiyana. Mamwe madzimambo nemasvikiro vanoshandisawo dehwe iri vachiita rekugarira zvichireva kuti haringobatwe nemunhu wose-wose,” vanodaro VaKandiyero.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey