Uncategorized

‘Imhosva, mhan’arai’

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views
‘Imhosva,  mhan’arai’ Cde Mupfumira

Kwayedza

Cde Mupfumira

Cde Mupfumira

GURUKOTA revashandi nemabasa everuzhinji, Cde Prisca Mupfumira, vanoti Hurumende haitsigiri zvachose nyaya dzekuroodzwa kwevanasikana vasati vasvika makore 18 okuberekwa sezvo kuita kwakadai iri mhosva huru inoendesa munhu kujeri.

Mashoko avo anotevera nyaya dzinonzi dziri kuitika kuChiredzi, uko kunonzi vamwe vanasikana vari kuroodzwa nevabereki vavo vachiri pwere apo vanopihwa kuvarume vachichinjaniswa nechibage, zviyo, mhunga kana mapfunge.

“Nyaya dzekuroodzwa kwevana nezvikonzero zvingave zvenzara kana kuripwa kwengozi hadzitenderwe zvachose uye imhosva. Ndiko kusaka Hurumende munguva pfupi yadarika yakaparura chirongwa chinorwisa nyaya dzekuroodzwa kwevana, che’No To Child Marriages Campaign’.

“Tinokurudzira vana kuti vamhan’are nyaya dzose dzine chekuita nekumbunyikidzwa kwavo kumapurisa. Vamwe vabereki vari munharaunda vanenge vachiona nyaya dzerudzi urwu dzichiitika ngavabatsirewo nekudzimhan’ara nekuti kana nyaya dzisina kumhan’arwa hadziverengwi semhosva kumatare.

“Kana nyaya idzi dzikamhan’arwa zvinobatsira kuti mutemo unge uchishandiswa kuvapari vemhosva uye ndizvo zvinoita kuti dzinge dzichiderera,” vanodaro.

Hurumende inoti iri kutanga chirongwa chekubatsira vanhu vari kumatunhu ane nzara nechikafu pamwe nekupawo vana vechikoro zvekudya muzvikoro.

Share This:

Sponsored Links