|
Friday, 09 December 2011 07:33 |
naChido ari muHARARE MADZIMAI gezai vanababa mudzimba. Kana murume aine tsvina, asingaratidze kushambidzika zvakanaka, munhu anoshorwa mukadzi wacho. Saka madzimai onai kuti vanababa vakatsvi-nda.
Unoona mumwe murume achi-buda mumba aine mabori kana madziwa. Kana pamusangano unogona kuona hembe iri kunze kwebhurukwa, chitorobho kana kuti tai iri padivi. Nguva ino yechando vakomana nevarume vanopfeka zvinhu zvakawanda, vamwe vanotovirikidza mabhurukwa matatu pamwe nehovhorosi. Vamwe vanoshanda mabasa akaoma zvekuti vanogona kuita mazuva vasingageze. Izvi zvoita kuti vakande hwema husina anohufarira. Vamwe anababa vanoomesera madzimai avo, makore gumi vasina kugera ndebvu kana bvudzi remumusoro. Vanhu kana votaura vanoti mukadzi ndiye ane huyanga, anorega murume wake achifamba akadaro. Unonzwa vachiti “ari kubva mumba mune mukadzi here?” Madzimai gezai varume venyu kwete kugeza munhu ava kurwara.
Nyaya iyi inonyanya kutaurika kuzvipatara apo murwere anenge auya aine hwema, vana chiremba vanotozotsvaga ana mukoti kuti vageze murwere uyu kuti vagone kunyatsomuvheneka. Kana vachienda kuzvipatara vapeiwo masokisi akanaka nenhumbi dzemukati dzakachena. Vamwe mungangoti, “ah murume mukuru ane mawoko ake anogezeswa kuti zvadii? Ndashaya basa here?” Kwete, sekugeza kwamunoita mbatya dzavo zvakasi-yanei nekuvageza muviri? Hamu-vageze mazuva ose asi kuti edzai nepamunogona kaviri kana katatu pa-mwedzi. Kune musi-ngakwanise vapei mvura yekugeza nezve-kupfeka zvakanaka kuti vataridzikewo pane vamwe. Kana vachinetsa kugeza vega, vanyengetedzei mogeza navo. Zvimwe zvinhu zvidiki zvatinoregera kuita ndizvo zvinoita kuti vamwe vanababa vazonozvitsvaga kunze. Tinozviziva kuti vamwe vanababa vanotadza nokurwadzisa asika wanai nguva yekuregerera nokukanganwira vadiwa venyu. Vanababa kana vapuhwa mvura ngavagezewo kwete kuzorega ichipora kuti vawane chikonzero chekuzoramba kugeza. Madzimai musaite zvekuramwa kuti “ane mawoko ake ngaageze ega”. Itai rudo. Kupa murume mvura yekugeza kuratidza moyo murefu, rudo nechiremera. Kana dai mumba musina mari kana zvinokwana, regai kuvatemera “zvirango.” Zivai zviri kuitika muupenyu hwevarume venyu kupfurikidza nekuvapa nguva yakakwana nekuvageza.-Kwayedza
|