Saturday, May 25th
Headlines:
Varimi vefodya vodyara miti kuMashonaland Central PDF Print E-mail
Friday, 09 December 2011 07:48
neMunyori weKwayedza
CHIRONGWA chekudyarwa kwemiti nevarimi vefodya nerumwe ruzhinji chosimbaradzwa kudunhu reMashonaland Central zvichitevera kubatana kwemapoka akasiyana.
Nekuona kuti masango ava kupera nekutemwa kwemiti nevarimi vefodya vanenge vachipisa fodya yavo, bazi reArex rakabatana nehutungamiri hwenzvimbo iyi nemamwe masangano pakusimbaradza chirongwa ichi.

Mashonaland Central Provincial Arex Officer VaStancilai Tapererwa vakati vari kufamba dunhu rose iri vachikurudzirwa kudyarwa kwemiti.
“Nekuwanda kuri kuita varimi vedu vefodya mudunhu redu, inyaya yatakaona yakakodzera kuti tibatsirane tose semhuri kuona kuti tadyara mimwe miti kutsiva yatiri kutema tichipisisa fodya yedu uyewo neimwe yatinoitisa mabasa akasiyana,” vakadaro VaTapererwa.
“Nyaya huru tiri kushanda nevarimisi vose nevatungamiri vakaita semasabhuku, makanzura, madzishe, vadzidzisi, vemabhizimisi, vemakambani anotsigira kurimwa kwefodya nekuitenga  nerumwe ruzhinji kuti tione kuti chirongwa ichi chabudirira,” vakadaro.
Vakati vakaisa mutemo wekuti murimi wese wefodya anofanirwa kudyara miti panzvimbo yakakura hekita imwechete zvichienda mberi.
Varimi ava panenge pachikura miti iyi vanenge vachifanoshandisa mimwe yakakura kare.

“Tiri kushanda zvakare nebazi reForestry Commission   uyewo nemahofisi ose anamudzviti akatekeshera nedunhu rose ari pasi pedu vachitungamirirwa nehofisi yedu huru yaGavhuna neyaProvincial Administrator uye nenhengo dzedu dzose dzeparamende,” vakadaro.
Zvakadai, vanoti vakatotanga kushanyira nzvimbo dzinoti kwashe Chitsungo kuMushumbi Pools, Guruve, Centenary, Rushinga, Mt Darwin, Muzarabani, Chiweshe,  Musana nedzimwewo vachipa kurudziro iyi. Vanoti vari kushanda nemakambani anotengesa nhondo dzemiti kuti vakwanise kupihwa miti inokurumidza kukura kuitira kuti vagokwanisa kubatana nenguva yekuti miti isapere kuparadzwa.
Kambani yeMillenium Tobacco Auction Floor yakatotanga kare kubatsira kusimudzira chirongwa chekudyarwa kwemiti mudunhu iri.
Kudunhu reMashonaland Central, kambani iyi yakatopa kare nhondo kuvarimi vanodarika chiuru pachirongwa chavo chekutanga.-Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links