|
Ngatisiyanei nemhirizhonga |
|
|
|
|
Friday, 09 December 2011 08:22 |
|
neveWAG MUNE mumwe musangano wakaitirwa vatapi venhau nerimwe sangano rinoona nezvekupa dzidziso nemazono munyaya dzeHIV, ndakaita mukana wokuvapowo pairatidzwa bhaisikopo rinonzi “Todii” rakaitwa naFarai Matambidzanwa.
Chakandifadza pabhaisikopo iri ndechekuti raibatabata tsika nezvitendero zvedu. Raipikisana nepfungwa dzakare dzokuti chirikadzi yaifanira kugarwa nhaka. Nemuninina kana imwewo hama yemuchakabvu kana ichida kuramba iri pamusha “womurume” wayo. Nguva dziri kushanduka uyewo tsika nemagariro zviri kurambawo zvichishanduka zvichienderana nenguva. Chimwe chakanaka chiri kuunzwa nekushanduka kwetsika nemagariro ndechekuti mhirizhonga inounzwa nekutevedza dzimwe tsika haichakurudzirwi. Ndinorangarira apo ndaive mudiki, baba vangu vaiwanzouya kumba pakati pousiku kana kuti kunze kwoedza.
Izvi zvakatanga zvichiitika zvishoma nezvishoma pedzisire chatova chijairira. Amai vangu vaishingirira mukushungurudzwa uku vachingoti “ndozvinoita varume”. Rombo rakaipa nderekuti amai vangu vaiva vasingazvioni semhirizhonga. Imhirizhonga yaibvumidzwa netsika nemagariro avo panguva iyoyo. Kutaridza hubaba panguva imwechete nerimwe divi kuri kudzikisira vanhukadzi. Mhirizhonga yakasanganikwa namai vangu haifaniri kusanganikwa nayo nezvizvrwa zvemakore ano. Kutendera mhirizhonga kunovandudza kushungurudzwa kwevanhukadzi. Zvikangobvira zvatorwa kuti ndozvazvinofanira kuita, miitiro akadaro haaimbozobvunzwi. Tsika yemhirizhonga inofanira kutsiviwa netsika yerunyararo. Kubata vanhu zvakaenzana uye kuva nenzvimbo munharaunda dzinoona kuti vanhu vane makakatanwa vayananiswa zvisina bongozozo.
Ndinoda kukurudzira vanhukadzi kuti vave nemasimba munyaya dzezveupfumi. Varume vanowanzofara nekusimudzirwa kwavanoitwa nekune rimwe divi vakadzi vachidzikisirwa nekushungurudzwa nekuda kwetsika nemagariro uye nezvimwe zvitendero. Regai ndipamhidzire zvakare kuti mhirizhonga kuvanhukadzi inopedzwa nekutsiva tsika yenhirizhonga netsika yerunyararo. Izvi zvinotanga pamakudziro atinoita vana vedu ayo anotsanangura zvinotarisirwa pakati pevakomana nevasikana. Ndinoda kukurudzira vanoona nezvekufambiswa kwemashoko, kunyanya vamwe vatori venhau kuti vakande pasi tsika yavo yekushandisa vanhukadzi kuti mapepanhau avo atengwe. Ndinoona sevanowedzeredza pavanonyora nyaya dzemhirizhonga inoitirwa vanhukadzi kuitira kuti nyaya dzavo ‘dzinakidze’ kuverenga. Izvi zvinokurudzira KWETE kuderedza mhirizhonga inoitirwa vanhukadzi. l Tinokurudzira vaverengi kuti kana muine zvamunoda kuti titaure nezvazvo takanangana nenyaya dzinobata vanhukadzi, makasununguka kutinyorera pa wag@wag.org.zw kana olga@wag.org.zw kana kutiridzira runhare pa (04) 308738/339161.-Kwayedza
|