|
Friday, 09 December 2011 12:23 |
naPrincess Stella ari muHarare MAKADII vasikana? Ini ndinofara zvangu. Ndati ndimbopindawo nechinyorwa chiri pamusoro pehunhu hwemusikana sezvo ichi chiri chinhu chinoshuvirwa nemubereki wose. Musikana anofanirwa kufamba asina chaanopomerwa, haafaniri kungonzi pese-pese paanofamba “ibasa” kana kuti “acharoora izvi idambudziko”.
Tinofanirwa kuyemurwa sezvakanga zvichiitwa mwanasikana waJefta mubhaibheri. Aidirwa kunamata zvekuti mamwe madzimai nevasikana vaitouya kuzoswera naye vachidzidziswa zvakanaka. Izvi zvinongoitika bedzi kana tazvikumbirira kuti jehova ndiitei murandasikana mutsvene, akarurama wekuti kana mukandicherechedza muri kudenga munonzwa kufara neni. Tisava vasikana vanongofarirwa nemunhu wese-wese nekuti tinozoita kunge nyama yakawora iri kuteverwa nenhunzi dziya dzinonzi ma“green bomber”. Zvibvunze kuti ko vanhu vari kukuteverera ava chinangwa chavo ndechei?
Kazhinji tarisai vasikana vakafumuka vaya vane mazishamwari mazhinji nokuda kokuti kwadzinorohwa matumbu ndiko kwadzinomhanyira. Tinofanirwa kuva netsika dzinozadza mukombe. Hatifanirwi kungotomhoka-tomhoka sehwiza pavanhu kana kuvhengedzera setisina kurairwa. Kana tichipfuura pane vakuru tinofanirwa kuti pamusoroi tichiuchira, tikapihwa kudya touchira toti pamusoroi tozodya hedu. Kana taguta touchira toti maita basa taguta. Hatifaniri kungoita “chisalad” nokuti “masalad”, semaonero angu, vanorasa tsika vasingatozivi zvekuita. “Chisalad” ichi hachisi chedu ndokusaka chichipusisa. Kana tapedza kudya tinofanirwa kutora ndiro tosuka kuti dzisateverwa nenhunzi, tinofanirwa kupedzisira nekutsvaira muimba yekubikira nechitofu chabikirwa tochikwesha. Kana tichirara pamba ipapo tinofanirwa kuti “regai ndibike” chero pane musikana webasa – ndizvo zvinoratidza hunhu kwete kungoti pweshe kugara tichichuna “maremote” emaDVD sezvinonzi kwatabva hakuna. Patinenge tiri muimba yekubikira ndipo patinogona kudzidza mamwe mabikirwo echimwe chikafu sezvo kuine mhando dzakasiana dzekubika. Sarai zvakanaka nerugare rwashe.-Kwayedza
|