| ‘Madzishe batsiraiwo kurwisa mhirizhonga’ |
|
|
|
| Thursday, 15 December 2011 10:50 |
neMunyori weKwayedzaGURUKOTA rinoona nezvemadzimai, kuenzaniswa kwemikana nekusimudzirwa kwevanhu munharaunda, Cde Olivia Muchena vanokurudzira madzishe kuti abatane neveruzhinji mukurwisa nyaya dzemhirizhonga mudzimba. Vakataura mashoko aya pazuva rekupemberera mazuva 16 ekurwisa nyaya dzemhirizhonga pachiitiko chaiva muHarare chichitungamirirwa nesangano rePadare/Enkudleni, svondo radarika. “Izvi zvinoreva kuti pazuva rimwe nerimwe rakasikwa naMwari vanhu vatanhatu vari kutambudzwa nenyaya idzi. Chikamu chinodarika 90% chiri kunyanya kutambudzwa ndeche madzimai nevana izvo zvinoreva kuti vanababa ngarive basa redu rekupedza mhirizhonga mudzimba,” vakadaro. Vakati gore rakapera kwakamhan’arwa nyaya dzerudzi urwu 1 200. Pazuva iri vakomana vechidiki vanove nhengo dzePadare Junior Council vakafora muguta reHarare vachiratidzira zvinyorwa zvekurwisa nyaya dzemhirizhonga. “Nyaya dzekumanikidzirana bonde dzinoita kuti vanhu vapedzisire vave kutapurirana HIV vana vosara vasina vachengeti. Mhirizhonga inodzikisira kusimukira kweupfumi hwenyika nekuti vanhu vanokuvadzana vorovha kumabasa,” vakadaro VaGokova.-Kwayedza |