Saturday, May 25th
Headlines:
Vakwegura vorima PDF Print E-mail
Thursday, 26 January 2012 09:53
neMunyori weKwayedza
NECHINANGWA chekupedza nzara neurombo mukati mevanhu vakwegura, sangano reHelpAge Zimbabwe rakabatana nereProtracted Relief Programme (PRP) kudzidzisa vakwegura kurima pamwe nekuvapa zvekushandisa.

Vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venhau muHarare nguva yadarika,  mukuru weHelpAge Zimbabwe  Mai Priscilla Gavi vakati vakauya nezano iri mushure mekuona kuti vanhu vakwegura vazhinji vanogara kumaruwa uko vanopona nemabasa ekurima.

“Misha mizhinji iri kumaruwa nemumaguta iri kubatwa nevanhu vakwegura vanove vanosara vachirera nherera uye kupepa varwere. Tinovapa mbeu, fetereza neruzivo rwekurima kuti vasaite nzara kana kumirira kupemha,” vakadaro.
Vakati vanovafundisa kurima kwemakondirakiti uye kuchengeta zvifuyo zvakaita sembudzi nehuku izvo zvavanozotengesa vachiriritira mhuri.

Vakawedzera vakati vanhu vakwegura vanotorwa sevasina maturo asi kana vachinge vapihwa zvekushandisa vanounza shanduko munyika.
Dr Douglas Lackey, avo vanove mukushi wemashoko kuHelpAge International (Regional Advocacy and Communications Manager), vakati vanhu vakwegura vane kodzero yekuwaniswa utano hwakanaka nokudaro kuburikidza nekurima zvirimwa zvinovaka muviri zvinovadzivirira kubva kuzvirwere zvizhinji.

“Tinovafundisa chirongwa chekupepa varwere mudzimba  nekuti dzimwe nherera dzavanosiirwa dzinenge dziine utachiona hweHIV.
“Tinovaisira mari inoita US$20 mumabhanga avo pamwedzi wega-wega kuti vabatsirikane kunyange iri ishoma,” vakawedzera.
Sangano iri rakacherera vakwegura zvibhorani pamwe nekuvavakira zvimbuzi munzvimbo dzakasiyana munyika.-Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links