Thursday, Jun 20th
Headlines:
Baba ‘vanouya’ ndarara PDF Print E-mail
Thursday, 05 April 2012 09:41

MAKADII henyu tete?
Ndine dambu-dziko randitend-eredza musoro tete.

 


Baba vangu vakafa kwava nemakore akati kuti. Asi baba ava vanomuka vachitidaidza kwavari, uye vanouya kuhope pamubhedha wangu ndarara ndichiita zvekuvarota. 
Ndine pfungwa dzekuti zvikada guva rababa vangu rakashereke-terwa.
Ndoita sei kuti mweya wavo usandinetsa?
Clifford M.
Gokwe.

Tete vanopindura.
Muzukuru, munhu anonakidza kuona ndeanenge ari mupenyu kwete akafa. Kana pasina chawakabata kuna baba vako dambudziko iri rinopera. 
Pane vanhu vanokwanisa kukugadzirira asi kana paine chawakaita kuna baba vako unofanira kutaura kuhama dzavo kuti uvaripe.
Ndinoda kuyeuchidza vazukuru kuti vabereki havatukwe, ndinokumbirisa mutevedzere zvinotaurwa nebhaibheri kuti kudza baba naamai vako kuti mazuva ako avedzerwe panyika.

Chokwadi chiripo vana vamazuva ano hamuchakudza vabereki saka matambudziko enyu awanda.
Unoona mwanakomana achirwisa baba vake, achivarwisira pfuma yavo yavakashanda pane kuti atevedzere zvinoda baba vake kuitira kuti akwanise kuita upenyu hwake hwakana.
Kwauri ndinongoti kwidza nyaya iyi kuhama dzababa vako kuitira kuti vazvitsvage paonekwe kuti sei baba ava vari kuuya kuhope nenzira iyi. Vakazvitsvaga, vakazviwana mumwe musi dambudziko rako rinopera kana zvagadzirwa, shungu dzavo dzaserera.
Tete Chipangamazano.-Kwayedza

 

Polls

ZVINE BASA HERE JAYA KUROORA MUSIKANA ASIRI MHANDARA?
 

Documentary

Social Networking Links