|
Thursday, 26 April 2012 08:23 |
naElsie Mojapelo ZVAKAKOSHA kuti tingwarire kukuvadzwa nemishonga yakasiyana-siyana kunyangwe pamba.
Izvi zvinodaro nekuti mishonga inogona kutikuvadza yakawanda zvikuru pamba. Mishonga iyi inosanganisira: l Zvatinozora kuti tinhuwirire.
l Mishonga yekunamisa zvinhu zvakaita semapepa nemapuranga. l Mishonga yekuuraya twumbuyu l Pendi l Gasi l Mishonga kunyanya yekupedza marwadzo neinokotsirisa
l Hutsi hunogona kutikora zvekuenda panjodzi nyangwe hwemota. l Mishonga yekubvisa pendi l Mishonga yekubvisa tsvina pambatya nezvimwe zvakawanda Vanhu vari panjodzi huru vana vadiki nekuti havazivi chinokuvadza nechisingakuvadzi. Mishonga inokuvadza iyi inogona kupinda nemukanwa kana kuti tinogona kuifema. Tinogona kupfapfaidza mishonga inokuvadza kana kuva nemaruva kana zvirimwa zvine mikaka inokuvadza.
Zvimwe zvezviratidzo zvekucheturwa zvinosanganisira: Kurutsa Kusvotwa Kuneta Dzungu Kutemwa nemusoro
Kufenda Kupinduka–pinduka kwemaziso Zvakakosha kumha nyisa munhu acheturwa kuchipatara kwaanonorapwa zvinoenderana nemhando yemuchetura, makore emunhu nenguva yapfuura kubva pazvaitika. Yeukai kuti chakanyanyokosha kuchengetedzwa kwemishonga nezvimwe zvishandiswa zvine njodzi kuupenyu.-Kwayedza
|