|
Kutadza kuita mbereko kwemurume |
|
|
|
|
Thursday, 03 May 2012 08:03 |
naElsie Mojapelo KANA pachitaurwa nezvekusabereka kwababa panenge pachirehwa kutadza kwemurume kuitisa pamuviri mudzimai anobereka. Nguva zhinji izvi zvine che
kuita nehuwandu nehupfumi hune mbeu yababa. Murume anenge achitarisirwa kuitisa pamuviri mukati megore rimwe chete achirara nemudzimai pasina mhando dzekuronga mhuri dziri kushandiswa kana kumwe kuzvidzivirira.
Hurume hwababa hunotarisirwa kuti hunge hwakawanda pazera remakore makumi matatu kusvika pamakumi matatu nemashanu. Uye mbeu iyi inotarisirwa kuva nesimba rekuenda kuzai ramai kubva pamakore makumi maviri nemashanu kusvika pamakore makumi mashanu nemashunu (55).
Hurema nehutera hwembeu yababa hunovedzera nekukura kwababa uye izvi zvinogona kukonzera: —
kuderera kwemukana wekuitisa pamuviri. — kusvodza kana kubva kwepamuviri pamai nekuda kwembeu isina simba. — kukwira kwemukana wekubara vana vakaremara.
Zvinogona kutadzisa baba kubereka zvakanaka zvinosanganisira: —·Zvirwere zvinokanganisa nhengo dzesikarudzi. —·Kusabuda kwembeu zvakanaka. —·Gomarara rinobata nhengo dzesikarudzi. —
·Kukuvara —·Zera —·Kuputa fodya kunovedzera mikana yehutera hwembeu yababa. —·Kurapwa kwakangoita sekwegomarara. —·Kushandisa zvinodhaka —·Kunyanyochovha mabhasikoro, mabhiza nekutyaira mota kwenguva refu. Ongororo inoitwa nachiremba inofanirwa kuburitsa zvinetso zvese powanikwa rubatsiro.-Kwayedza
|