Saturday, May 25th
Headlines:
PAP ibhuku rine nhoroondo PDF Print E-mail
Thursday, 10 May 2012 08:35

BHUKU randichakurukura nezvaro

 

kana ukariona unopa kutenda, asi wobvunzawo kuti kugona kwese uku kwakabva kupi, uye kwakaendepi? Unoshamiswa nokuti unosangana nezvinhu zvinofadza.
Asi ndine urombo kuti bhuku racho handina kunyatsoziva musoro waro nokuti ndakaita zvokusangana naro sesadza rokumakwato. Kavha nemamwe mapeji okutanga zvakabvaruka. Asi pandakaritsoropodza, ndakaona riri bhuku rine muunganidzwa wavanhu vomunyika muno — varume namadzimai — nyika ino isati yawana kuzvitonga.

Asi, pane zvimwe zvakaitawo kuti ndifunge kuti musoro wacho unenge PAP. Sezvo rakanyorwa muchiRungu, ndakafungidzira kuti PAP inogona kumirira “People and Personalities”. Pane pamwe pakanyorwa kuti, “Progressive businessmen advertise in P.A.P”.
Haazi mazita bedzi, asi kuti chikamu chemunhu mumwe namumwe chine pfupiso yenhoroondo yokuzvarwa kwake, kukura, kudzidza nokushanda.
Semaonero angu, PAP yaiwana nhoroondo dzavanhu ava kubudikidza nokushambadza kwavaiita, zvichitipawo pfungwa yokuti ibhuku raiburitswa nguva dzakawanda pagore.

Nokuti vanonyora vachiti, “Be in the next edition of P.A.P. Post your photograph and biography NOW”.
Izvi ndizvo zvinoita kuti uone nhoroondo dzavanhurume, madzimai uyewo vanhu vanobva kumatunhu ese eZimbabwe. Mazita akarongwa zvichitevera “alphabet” – kubva pana A kusvika pana Z.
Papeji 5 parinotangira panotanga naBotsch, Auden Abner aigara kumusha wevazhinji weHighfield.
Anoteverwa naBulaundi. Uyu nhoroondo yake idiki zvikuru. Anongotaurwa kuti akabva kuMalawi uyewo aishandira Tengenenge. Zvivezwa zvake zvakasarudzwa kuti zvipinde muzviratidzirwa zve1968 Exhibition of New African Art zvakaratidzwa kuModern Art Museum muguta reNew York, kuAmerica.

Mudzimai wokutanga kunyorwa ndi Caroline Cele, aive mukoti. Zvinonzi mugore ra1962 Cele akavhura chitoro chemishonga nemishonga yorunako paCommunity Centre Harare (Mbare).
Vamwe vevanhu vandakazivawo varimo vanosanganisira Ishe Charumbira (kwete Chief Fortune Charumbira). Mufananidzo uripo unoratidza kuti vakafanana, zvokuti vangangove baba vaIshe Fortune Charumbira; Dr Dexter Mark Chavunduka; Dr G L Chavunduka; Godfrey Chidyausiku; Paul Chidyausiku; Josiah Chinamano; Ishe Jeremiah Chirau; Anne Victoria Karonga; Oliver Kateya; Dr Thomas Philip Kazembe; Giles Kuimba; Grace Helen Lupepe; John Madzima; Constance Makaya; G Malaba; Paul Matambanadzo; Mambo Mangwende; Joshua Malinga; Hosea Mapondera; Nelson Mawema; Shadreck Mbirimi; Paul Mkondo; Honour Mkushi; Etherton Mpisaunga; Joseph Msika; Cephas Msipa; Elliot Msopero; Lucy Muchatuta; Mugabe Robert Gabriel; Florence naSamson Mundondo; Amos Munjanja; Charles Mungoshi; Robbie Mupawose; Walter Muparutsa; Rt Rev Patrick

Murindagomo; J Mutero; Abel Muzorewa; Ishe Kaisa Ndiweni; Joshua Mqabuko Nkomo; Moses Samkange; George Shaya; E E Siduna; Pius Wakatama; Maxmillian Uzande; Hope Zwambila navamwe.
Ibhuku rehwitakwi dzenguva iyoyo mumabasa akasiyana-siyana: udzidzisi; ukoti; udhumeni; kurima; zvematongerwo enyika; vanyori vamabhuku; madzishe zvichingodaro. Vanonzi muchiRungu, “the movers and shakers”, kana kuti “the who is who” venyika.
Tinoona kwavakazvarwa, zvikoro zvavakadzidza, kwavakaitira zvidzidzo zvapamusoro neruzivo rwamabasa nemabhizinesi avakatanga.
Nhasi uno vanhu vachikakavadzana nenyaya yokupa masimba oupfumi kuvanhu, zvakandishamisa pandakaongorora bhuku iri kuti makambani akatsigira zvinyorwa izvi mazhinji-zhinji acho aive aana vanamuzvinabhizinesi vechitema.

Makambani mazhinji arimo mazhinji mabhazi nezvitoro.
Mienzaniso inosanganisira: Mboma Super Buses; Masiyandaita Buses; Kuwanda Kwakanaka Restaurant (Glen Norah); T Makwavarara’s Supermaket; M & A Special Bus Services; Sarrender Coach Service.
; Mapinde Stores; Gutu Beer; Rutendo Bus Service; Pelandaba Road Services; Machinya Cash Stores; Modern Express Omnibus; Tafara Madondo Hotel; Rufaro Mhamba; Mandizvidza Stores; Matambanadzo Bus Service; The Msopero Country Hotel; Ruredzo Motors; Nyamweda Bus Services; Shamu Supermarket zvicidaro.

Ndave kungoriti PAP, asi chandadzidza, chandada kupakurirana nevaverengi ndechokuti hwaivepo urongwa hwokuti vanhu vazivane kubudikidza nezvinyorwa. Vanhu vaizvigonera, vasina kusuma vemhiri.

Munhu waizvipira kuzivikanwa, kuitira vanhu vagozobatsirikana nounyanzvi hwako. Nhasi uno handiti ndiwo mazivanirano amuri kuita here pamasocial networks paInternet akafanana neFacebook, LinkedIn nemamwe?

Ibhuku renhoroondo rinogona kuve hwaro hwokuumba zvaungange uchitsvaga pamusoro pomumwe munhu. Vazhinji vari mubhuku iri vakatisiya. Rinotipawo kuti tibvunze kuti makambani amabhazi mazhinji haasisiko, akaendepi? -Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links