|
naKnowledge Manokoro VARUME vanofanira kupa madzimai mukana wekuti vazviitire
mabasa emaoko senzira yekubatsirana mukuriritira mhuri pamwe nekusimudzira upfumi hwenyika. Mashoko aya akataurwa svondo rapera naMai Mufundisi Nelia Sithole pamhemberero yekukorokotedza madzimai anodarika 50 ekereke yeZimbabwe Assemblies of God Africa (ZAOGA) kuChitungwiza ayo ari mumabhindauko ekutenga nekutengesa zvakasiyana-siyana zvakaita semagumbeze senzira yekutsvaga chouviri.
“Donzvo redu riri pakusimudzira madzimai nekuti vazhinji vacho havasevenzi saka haichisiri nguva yekugwadamira murume uchikumbira mari. Tiri pakuzviratidzawo pachedu maringe nezvatinodzidzisana kuChina kuti tinogona kuzvionerawo pasina munhurume. “Varume vazhinji vanorambidza vakadzi kufamba vachitengesa vachiti zvinonyadzisa asi chinonyadzisa mukore uno kunokumbira chokufuka kumaraini washanyirwa nemuenzi sezvo tatarisana nemwaka wechando.
“Tichiri kuenderera mberi, tinoda kusandura kana kutenga mimwe midziyo yemumba tirisu madzimai takazvimiririra,” vakadaro Mai Mufundisi Sithole. Zvichakadaro, varume vesangano iri vakaratidzawo kufara nechiitiko ichi sezvo vari ivo vanasamusha vakabatsira madzimai avo nemari yekutangisa kuhodha zvavanotengesa kudzimara vave kukwanisa kuzvimirira voga.
Mumwe mutendi wechirume wesangano iri, Elder Chamunorwa Chiwara, vakati sekereke vanotsigira madzimai zvakanyanya mumabasa emaoko pamwe nemabhizinisi sezvo zvinobatsiridzawo pashoma panouya navanababa. “Sangano redu rinosimbaradza kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevarume sezvo kubva 1980 tose taidzidziswa kuzvishandira nemaoko edu pasina zvekumirira kuenda kubasa. “Zvakadaro, magumbeze akatengwa nemadzimai edu haasi edu chete asi tichakwanisa kubatsirawo dzimwe hama dzatinadzo dzinotambura,” vakadaro Elder Chiwara.-Kwayedza
|