Friday, May 24th
Headlines:
Nhoroondo yenyika ino yakakosha PDF Print E-mail
Thursday, 17 May 2012 07:59

Kuhwanda nemunwe
DARE nomutongo wakaturwa svondo rapfuura

 

kuSouth Africa sokutaura kwandakaita svondo iroro, unotiita kuti tione kukosha kwenhoroondo yenyika ino.
Imomu munhoroondo, ndimo munobuda kuti iwe uri ani, wakabva kupi, uye uri kuenda kupi.
Muzvinyorwa zvatasangana nazvo kubvira pakaturwa mutongo uyu kusvika nhasi uno,kusanganisira tsanangudzo yakapihwa naCde Patrick Chinamasa, ndinofunga tave kuziva kuti Judge Hans Fabricious vakatura mutongo iwoyo ndiani; Southern Africa Litigation Centre (SALC) isangano rakamirirei, uye rinosusukidza zvido zvaana ani.
Ndinofunga tave kuzivawo zvakare kuti Zimbabwe Exiles Forum yaana Gabriel Shumba iri kurwira zvido zvaani.

Asi hatina matyira kutaura kuti vanhu vari kuhwanda nomunwe, kuhwanda negore rinonzi 2007/2008, asi iwo mabhunu akauya munyika muno makore zana nemakore makumi maviri namaviri apfuura.
Zviitiko zvamakore ese iwaya kusvika vanhu vatora zvombo kurwisa hupambepfumi zvakadzimwa nani, kana sarudzo ya2008 iri iyo bedzi ine dambudziko, kana kuti makore eGukurahundi ari iwo bedzi akakosha munhoroondo yeZimbabwe?
Huipi, huipi zvisinei kuti hwaitwa nani, saka sei? Saka kana zvinorova zvakaitwa navachena kuchizorwa mafuta, nokupuruzirwa zvinorevei? Kuda kuisa mweya wokurwisanisa vanhu veZimbabwe here?
Dai kugarisana navapambepfumi waive muchechetere mvura yeguvi, pane aisimudzira mumwe chibhakera here?
Hanganwa idzodzi dzatekeshera nhasi tinodzironda toona kuti dzakauya nehurumende yeNew Labour yaTony Blair, akave mutungamiri weBritain kubva gore ra1997 kusvika 2007.

Pese patinonzwa President Mugabe vachitaura vakagumbuka nemaitiro ehurumende yaBlair, pamusana pokuti vanhu vakazvidza nhoroondo yeZimbabwe, vanhu vakazvidza hondo yeChimurenga, vanhu vakazvidza kuti hondo iyi yakauya mushure mokutaurirana kwamapato airwisa hurumende yaIan Smith nemamwewo mapato kuLanacaster House.
Chibvumirano chakanyoreranwa cheLancaster House kuLondon mugore ra1979 ndicho chimwe chembiru yokuumbwa kweZimbabwe yatiri nhasi uno.Kwete Zimbabwe inotanga mugore ra2007 pakabva Tony Blair pachigaro.

Blair akatora chigaro kubva kubato remaConservatives. Asi,Amai Margaret Thatcher vebato remaConservatives vakave mutungamiri weBritain kubva 1979 kusvika 1990 vakaziva kuti hondo yeChimurenga ndiwo mutupo weZimbabwe, chidawo chikazove chibvumirano chepaLancaster House, nokuti ndipo pakabuda bumbiro rakaumba sarudzo dzokutanga mugore ra1980.
Akavatevera,John Major wokubato ravo zvakare, akazvizivawo izvozvo kuti rupawo rweZimbabwe ihondo yeChimurenga, uyewo kuti chibvumirano chekuLancaster House ndicho chakapa hwaro hwebumbiro romutemo. Vakazvieresa, vakaita zvaisungirwa nechibvumirano ichocho.
Asi, mugore ra1997, bato ramaConservatives rakatsihwa neNew Labour yaitungamirirwa naTony Blair.
Zimbabwe yakafunga kuti zvinhu zvichafamba sezvo mapato aibva muvashandi aive iwo aidyidzana nemasangano airwira rusununguko. Asi kwete.New Labour yakauya nomweya wokubvisa mapato akarwa hondo yeChimurenga, vachiisa vanhu vavo.
New Labour yakaita gara risionekwi.Tsamba yakanyorwa negurukota rehurumende yaBlair, Claire Short muna1997 kune vaive gurukota rezvokurima Cde Kumbirai Kangai yakaratidza kuti hurumende yaBlair nehurumende dzeBritain dzaizotevera vakange vazvimisira kudzima zvachose nyaya yokupambwa kweZimbabwe nemaBritish, uyewo kuti zvakatora hondo yeChimurenga kuti Zimbabwe ive pairi nhasi uno.

Kuramba kwavakaita nyaya yevhu, ndizvo zvinotipa kuti titi vakazvidza Chimurenga chedu, uyewo nyaya yokuti vanhu veZimbabwe vairwira ivhu ravo, zvinove zvakazosvitsa kuhondo yeminda.
Nhasi uno hondo yeminda chave chombo chavave kushandisa zvakare kurwisa Zimbabwe, asi vana Gabriel Shumba vave kubvuma kudyiswa muti wehanganwa, zvinove zvatinoona mumapato akaita seMDC ese nohuwandu hwawo. 
Tony Blair akabva aita hoche-koche nedzimwe nyika dzakaita seUnited States of America neEU kuramba kucherechedza Chimurenga cheZimbabwe.
Akamutsiva Gordon Brown, akaita zvime chete. Ndosaka nhasi uno nhoroondo yeZimbabwe ichitangira muna2007/2008 nokuti vakange varonga kuti ndipo panodzoka minda “yavo” iri muZimbabwe. Ndosaka mamwe mabhunu muSouth Africa achishinga kugara matare kutonga Zimbabwe.

Asiwo,vedu vakuru vakati, “chinokanganwa idemo.” Mungapanana mazimari, mugonyora manyepo anozara Internet yese, chokwadi chokwakabva Zimbabwe hachife chakadzimwa.Kwese, kutamba namatope pasina mvura.  
Wazvidza Chimurenga, wazvidza hunhu hweZimbabwe; wazvidza umhare hwavo uye wada kuti Zimbabwe ive mudziyo wenyika dzemhiri.
Munhu idzinde remhuri
Zvinonzi, “munhu idzinde remhuri; mhuri idzinde rorudzi. Pasina munhu, hapana mhuri. Pasina mhuri hapana rudzi”. Munhu, mhuri, rudzi – vese vanoumba nyika.
Svondo rino takabatana nepasi rese kucherechedza mazuva akakosha – zuva raana amai (Mother’s Day); nezuva remhuri (International Day of Families) rakapembererwa musi weChipiri pasi pedingindira rinoti “Ensuring Work and Family Balance”.
Mutungamiri wenyika President Mugabe vakatura mashoko kumhuri yeZimbabwe musi weMuvhuro kucherechedza makore gumi namapfumbamwe zuva iri richicherechedzwa.
Pavakataura, vamwe takanzwa tave kuti, ”Icho, charira! Kupiko? KuZimbabwe!”

Vane nzeve namaziso vari kuziva kuti chinhu chinonzi mhuri nhasi uno chave padambudziko guru. Dzanangwa!
Matambudziko atarisana nemhuri dzanhasi akataurwa nemutangamiri wenyika,vakapawo pfungwa yavo kuti zvingapere sei.
Asi, dambudziko guru ratarisana nevari kukura ava kunyanya nderokuti kuti tizosvika pane zita rokuti mhuri, zvabva nokupi. Mhuri inoumbwa sei? Ndivana ani vakakodzera kunzi vanzi ava ndivo vanhu vanoumba mhuri?
Kana ngochani dzapihwa mukana wokuroorana, dzinobva dzanzi imhuriwo zvakare here? Ngazvibude pachena, nokuti tingapembedza n’anga neinobata amai. -Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links