|
naAbel Ndooka MUIMBI ari kupisa pari zvino, Romeo Gasa, uyo achangobva mukubura
dambarefu rake rechitatu rinonzi ‘Simbi Hombe’ akarakidzwa kuti isimbi diki mushure mekunge shoo yake pamwe naPortifa Mofo yekwaMakoni kuChitungwiza svondo rapera yakapindwa nevanhu 12 chete. Gasa, uyo anotsigirwa nechikwata cheExtra Valembe, akati haana kunyanya kubatikana zvikuru nekutadza kubudirira kwakaita shoo yake nekuti aka kaive kekutanga kuridza munzvimbo iyi saka akazvitambira zvakadaro. Akati ari kufara nezvakaitika nekuti akawanawo mukana wekuridza kwaMakoni akazvimirira saka anovimba kuti paanodzokera kunoridza zvekare shoo yacho inogona kubudirira zvikuru.
Akati vanhu vakapinda havana kuzoita 12 chete asi kuti matikiti avakatengesa aive 22. “Aya anonzi magitare dzimwe nguva shoo yako inogona kubudirira uye inogona kuramba kubudirira sezvakaita yangu yekwaMakoni. “Muimbi wese ane paanotangira, unoita uchivaka zita rako uchisimukira sezvandiri kuita. Handina hangu kunyanya kurwadziwa nezvakaitika nekuti ndichiri kuvaka zita rangu saka ndinovimba kuti mashoo andicharonga zvekare eikoko achabudirira zvakanyanya.
“Vanhu havana kuzongoita 12 chete nekuti takaverenga matikiti akatengeswa takaona kuti aive 22 zvekuti takasvika pakuzovhura gedhe kuti vanhu vachingopinda mahara asi hapana akauya,” akadaro Gasa. Muimbi uyu akapomera muridzi webhawa raakaridza rinonzi Mushonga mhosva yekutadza kuronga shoo zvakakwana zvine mutsindo. Akati pavakashevedzwa kuzoridza mubhawa iri muridzi waro haana kumuudza kuti hamubhadharwe vanhu vanongopinda mahara izvo zvakadzinga vanhu kuti vasapinde.
“Muridzi webhawa haana kunyatsotaura chokwadi aingotsika-tsika uye haana kuronga shoo zvakasimba. “Isu hatina kuziva kuti hamubhadharwe mubhawa make izvo zvakatuma vanhu kuti vasapinde vadzokere uye vapinde mune mamwe mabhawa ari pedyo. “Hazvina hazvo kuipa tichangozvitambira hedu zvakadaro,” akadaro Gasa. Pavanhu 12 vanonzi vakapinda mushoo yaGasa, vatanhatu vacho vaisanganisira muimbi First Farai uyo akauya neshamwari dzake kuzotsigira shamwari yake, Gasa.-Kwayedza
|