Friday, May 24th
Headlines:
Chikafu chinobatsira munguva yechando PDF Print E-mail
Thursday, 31 May 2012 07:07

naElsie Mojapelo
Nguva ino yechando zvakawanda zvinoitika

kumiviri yedu nerukanda rwedu. 
Tinopindwa nechando uye zvinhu zvakaita sebvudzi neganda zvinokwakwashara asi zvakawanda zvatinogona kuita mukudzivirira izvi.

Ganda redu tinogona kuti rirambe rakapfava riine mafuta kuburikidza nekudya chikafu chine:
l Mafuta akaita sema  “essential fatty acids” sehove, nzungu nenyemba dzakasiyana- siyana.
l Vitamin A, C, neE zvakaita semichero inenge maranjisi, makotapeya nemimwe. Tinogona kudzivirira uye nekurapa dzihwa nekubika muto wakakora une:
l Ma“carrots” anotipa  “beta carotene”

l Hanyanisi negariki zvinorwisa utachiona hwakasiyana.
Mawoko netsoka zvinotonhora nekupindwa nechando munguva ino izvo zvinoita kuti tsinga dzinofambisa ropa dzitetepe risafambe zvakanaka. Zvinotibatsira tikawana ma“amino acid” anonzi   “organine”  anowanikwa munyama yehuku, nzungu nekudya kwakaita sema “oats” ne “barley”.
Kunwawo zvinwiwa zvakaita se“cocoa” nesvutugadzike kunobatsira kufambisa ropa nekuti zvinwiwa izvi zvine mishonga yakaita sema“catechins, tannis nemabio-flava noids”. Zvinobatsirawo kunyatsozora mafuta akakora anobata paganda asingazotorwa nemhepo, topfeka zvinonyatsodziya tochengetedza utano munguva ino yechando.-Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links