Wednesday, Jun 19th
Headlines:
U-14 yorongera Germany PDF Print E-mail
Thursday, 31 May 2012 07:31

neMunyori weKwayedza
SANGANO reZimbabwe Junior Soccer

 

riri kuumba chikwata cheUnder-14 icho charinoda kutumira kuGermany muna Nyamavhuvhu uko chichanopedza mwedzi mumwe chete chichitamba nezvikwata zvekunyika iyi.
Nhengo yeZJS — Vengai Tinarwo — akati sangano ravo riri kuumba chikwata ichi chiri kuenda kuGermany kunotirena pamwe nekutamba nezvikwata zveko.
Akati vari kushuvira kuvaka chikwata chavo icho chinozosamhuka nekukwikwidza mumapoka akasiyana kusanganisira eUnder 15, 16, 17 uye kuzosvika vapinda muchikwata chemaWarriors.

“Tiri kutumira chikwata ichi kuGermany nekuti tinoda kuti chinotirena uye chimbotamba nezvimwe zvikwata zveikoko nekuti tinoda kuti tivake chikwata chatinokura nacho icho chinenge chakabatana.
“Tinoda kuti pakanzi pari kudiwa chikwata cheUnder 15, 16 kana 17 hatinetsekani nekutsvaga vatambi nekuti tinenge tichiziva kuti tine chikwata chedu tinongotora ichocho totumira choenda kunokwikwidza.
“Izvi tichange tichizviita gore negore kuti tinotumira chikwata chatinoumba chokura chiri pamwechete.

Chatiri kutumira gore rino chichange chave kumirira boka reUnder 15 pamwe ne16 saka hatimbonetsekani nekutsvaga vatambi,” akadaro Tinarwo.
Tinarwo akati pari zvino chikwata ichi chiri kusangana katatu pamwedzi chotirena  sezvo vari vana vechikoro vanenge vachifanirwa kuenda kunodzidza asi vari kuzotarisirwa kupinda mukembi munaChikunguru kuitira kuti vachigadzirira kuenda.
“Pane vese vachapinda mukembi, 30 ndivo vatiri kutarisira kutakura kuendanavo kuGermany,” akadaro Tinarwo.
Chikwata ichi chichange chichirairidzwa naLuke Petros, Kingstone Rinemhota pamwe naPatrick Chimuswe.-Kwayedza

 

Polls

ZVINE BASA HERE JAYA KUROORA MUSIKANA ASIRI MHANDARA?
 

Documentary

Social Networking Links