Tuesday, Jun 18th
Headlines:
Miti yopedzwa nevavezi PDF Print E-mail
Thursday, 31 May 2012 07:44

neMunyori weKwayedza
BASA rinoitwa nevanhu vanoveza miti vachigadzira zvinh

 

u zvakasiyana nezvimwewo rinonzi rakonzera kuparara kwedzimwe mhando dzemiti kudunhu reBuhera neChipinge kuManicaland.
Masabhuku nevamwe vatungamiriri kumatunhu aya vanoti vakatopihwa mashoko kubva kubazi reEnvironmental Management Agency (EMA) ekuti  vachengetedze masango kubva kuvanhu vapedza kuparadza miti ava.
Sabhuku Mucharwa,  VaMunya-ngadzi Mucharwa (63), vekwaSadunhu Chin’ombe kuBuhera vakati vavezi nevanogadzira zvinhu zvakasiyana kubva mumiti vaparadza masango zvikuru.

“Muno tine vanhu vanokwira mumakomo umu vachitsvaga mhando dzemiti yavanoda kuti vavezese ndiro, maturi nezvimwe zvakasiyana nekusvuura makavi ekugadzira mameti izvo zvasiya mumasango edu musisina miti,” vakadaro VaMucharwa. 
Kumatunhu aya, kune vanhu vanorarama nekuveza ndiro nezvimwe zvinhu kubva mumiti vachinozvitengesa kunyika dzakaita seSouth Africa, Botswana neNamibia.
Kanzura weWard 33 kuBirchenough Bridge kuBuhera,  VaPeter Mashava, vakati miti yaiva yapedzwa nevanhu vanoveza ava.
“Vashandi veEMA vakauya kuno vakataura kuti kuregwe kutemwa miti nevanhu vanoveza ava vapedza miti kuno rangova gwenga.

“Mapurisa akambouya akakwira mumakomo vachisunga vanhu vanotema miti pamadiro ava nekudaro vave kuveza zvinhu zvavo vakahwanda uyewo zvinokwidzwa mumabhazi pakati peusiku kuendeswa kunzvimbo dzakaita sekuSouth Africa, Harare, Mutare, nekumwe kwakasiyana uko zvinonotengeswa,” vakadaro VaMashava.
Mimwe yemiti inonyanya kutemwa nevanhu ava vachida kuvezesa inosanganisira mikamba, mibvumira, mopani, nemitondo yechuru (mirwiti).
Kune vaye vanogadzira  hukwe nemakavi, vanonyanya kuda miwuyu nemimwewo yakasiyana.
Kanzura Mashava vakati vari kushanda nemapurisa nesangano reEMA kuti dambudziko iri ripedzwe.

Zvakadaro, mumwe wevanoita basa iri anoshandira pataundishipi yeMawunganidze kwashe Mutema kuChipinge, Givemore Tumbera Simbini (38), akati hapana zvavangaite nekuti vanowana  raramo kubva mukuveza sezvo kusinganaye mvura zvakanaka. Murume uyu anoveza zvinhu zvinosanganisira ndiro, maturi, makapu nezvimhuka zvakaita senyoka.
“Tinozviziva kuti miti inorambidzwa kungotema-tema asi ndipo patinorarama napo, tinokwira mumakomo ekuno kuChipinge kunotema miti iyi yakaita semikamba nemimwewo iyo inoveza zvinhu zvakanaka,” akadaro.
Kuburikidza nekutemwa kwemiti iyi zvisina tsarukano, zvinonzi dambudziko regukuravhu rakura mudunhu iri zvakonzera kuvharika kwenzizi dzeko dzakaita saSave idzo dzazara nejecha.-Kwayedza

 

Polls

ZVINE BASA HERE JAYA KUROORA MUSIKANA ASIRI MHANDARA?
 

Documentary

Social Networking Links