Wednesday, Jun 19th
Headlines:
Orwisa hupombwe nekuimba PDF Print E-mail
Thursday, 07 June 2012 07:52

neMunyori weKwayedza
MUIMBI ari kusimukira — Tongai Tarubona

 

— anoti akapinda mumimhanzi neshungu dzekuda kurwisa hupombwe uhwo hwaanoti hwanyanya mudzimba dzevakaroorana pamwe nenjodzi mumigwagwa.
Tarubona, uyo anotsigirwa nechikwata cheBlack Identity, akati akapinda munyaya dzemimhanzi gore rapfuura apo akakwanisa kutsikisa dambarefu rake rekutanga rinonzi ‘Ndingafare sei’ iro raakaparura gore rino. Akati ari kuedza kurwisa kusavimbika pamwe nenjodzi mumigwagwa nemhanzi yake sezviri mudambarefu rake rekutanga iro rine misambo yakasiyana inosanganisira dendera, sungura pamwe nezora.
“Kusavimbika kuri kuitika mazuva ano kwakanyanyisa kunondibaya mwoyo zvekuti dzimba zhinji dziri kuparara uye zvirwere zvakasiyana zvatekeshera pamwe netsaona dziri kuitika munyika dzakawandisa vanhu vapera.

“Saka ndakagara pasi ndikanyora dambarefu rangu iri iro randakatsikisa nemisambo yakasiyana inosanganisira dendera, sungura uye nezora kuitira kuti shoko randiri kutaura rinyatsosvika kuvatsigiri vangu.
“Ndiri kuedza nepandinogona kuti zvinhu zviviri izvi zvipere saka ndicharamba ndichitsikisa nziyo dzakawanda dzinokurudzira vanhu kuti vasiyane nekuita gumbo-mumba gumbo-panze,” akadaro Tarubona.
“Kusavimbika uku kunokonzera kufungisisa uko kunogona kuuraya munhu nekuti unenge uchifunga kuti mumwe wako waunoda ane mumwe mudzimai kana murume.

“Vanhu chavanofanira kuziva ndechekuti dzimba zhinji dzaparara uye zvirwere zvazara nekusavimbika uku saka tinofanira kudzidza kuzvibata kuitira mhuri dzedu,” akadaro Tarubona. Padambarefu rake iri, Tarubona akaimba nziyo dzinoti Michelle naConstance idzo anoti akaimbira mhuri yake yakasangana netsaona gore rapfuura apo mwanasikana wake akarasikirwa neupenyu.
Akati kuitika kwetsaona iyi kwakamutuma kuti anyore nziyo idzi idzo anokurudzira vatyairi vedzimotikari kuti vafambe zvinyoro-nyoro kuitira kudzivirira tsaona mumigwagwa.
“Gore rapfuura mhuri yangu yakasangana netsaona inotyisa zvekuti mwana wangu musikana akafiramo, vadzimai vangu vakakuvara zvakaipisisa saka ndakatsidza kuti ndinofanira kuimba nziyo dzinokurudzira vatyairi vedzimotikari kuti vafambe zvinyoro-nyoro,”  akadaro Tarubona.-Kwayedza

 

Polls

ZVINE BASA HERE JAYA KUROORA MUSIKANA ASIRI MHANDARA?
 

Documentary

Social Networking Links