Wednesday, Jun 19th
Headlines:
Chipukandipemwenje (Mr Ugly 2012) PDF Print E-mail
Thursday, 07 June 2012 07:57

naMemory Mangombe
PASI pano pane makwikwi akasiyana-siyana anoitwa apo vanhu vanenge

 

vachirwira mikombe nenyembe mune zvakaita semitambo, runako nezvimwe. Asi muHarare svondo rapera makaitwa makwikwi ane musiyano ayo aisarudzwa munhurume akanyanya kunyangara pameso kudarika vamwe — aya anonzi ndiye chipukandipemwenje.
Mukombe wegore rino wemuHarare hauna kushaya akaenda nawo — mari inosvika $100 netikiti rekunogara muhotera.
Akahwapura mukombe uyu weMr Ugly ndiWilliam Masvinu  (38) uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti “Masvingo”  kumusika weMbare uko anoshanda  sagweja.

“Kukura kwangu kwese handina kumbenge ndakarota kana kuva nefungidziro yekuti chimiro changu chinogona kuzondisvitsa padanho serandava nhasi uno kana kuunza raramo muupenyu hwangu,” akadaro Masvinu.
“Zvekushata kwangu zvakauya mundangariro dzangu musi wandakahwapura mubairo wekushata uyu pamakwikwi andakapinda kekutanga,” akadaro.   
Akati mukomana anonzi Michael Gunda (30), uyo ave maneja wake, akauya kwaari  achitaura nezvemakwikwi eMr Ugly aya uye iye akazongoerekana ava pasiteji asina kana kumbodzidzira kuti anoratidzira kushata kwake sei.

“Hongu ndakahwinha zvangu asi mubairo wandakawana mudiki chose zvinoita kuti vanhu vaone sechinhu chisina maturo. Dai pawanawo vanokwanisa kutsigira makwikwi aya sezvo asina kusiyana nemamwe akaita seMiss Tourism ayo anoita kuti munhu akwanise kurarama pamwe nekufamba nedzimotokari dzinodhura,” akadaro Masvinu, uyo anogara mumusha weEpworth.
Akati mushure mekuudzwa kuti ndiye akange akunda, akange achitarisira kuwana mubairo mukuru pamwe nekutozowanawo raramo mazviri.
“Ndiri munhu ane upenyu hwekutamburira kukura kwangu kwese, apa ndipo pandaiti nhamo yangu yapera. Asi pari zvino zviri kuratidza kuti hapasati pava neraramo mushure mekupihwa mubairo we$100,” akadaro.
Masvinu akati anopfeka saizi 18 yebhutsu iyo isingawanikwe  nyore munyika muno.

“Ndinotowana rubatsiro rwebhutsu kubva kune vanodawo vanondinzwira tsitsi avo vanonditengera bhutsu idzi  dzinongowanikwa kuMozambique chete,” akadaro.
Gunda akati: “Ndakangoita zvekunzwa nezvemurume uyu nevaimuona kubhora nemumusika maanoshandira apo vaitaura nezvekushata kwake pamwe nekukura kwetsoka yake. 
“Murume uyu ane chipo chekuratidzira kushata kwake zvandisina kunge ndakatarira.”
Akati Masvinu akamuudza kuti asatye apo vakange vaenda kunokwikwidza.
“Akakunda zvekuchemedza mumwe mukomana anonzi Freddy Mwendo mushure mekutora chinzvimbo chechipiri,” akadaro.
ANE CHIPO CHAKE!-Kwayedza

 

Polls

ZVINE BASA HERE JAYA KUROORA MUSIKANA ASIRI MHANDARA?
 

Documentary

Social Networking Links