|
Chibage chakaendeswa kuGMB chishoma |
|
|
|
|
Thursday, 07 June 2012 07:59 |
|
neMunyori weKwayedza DURA renyika reGrain Marketing Board rinoti parizvino rawana chibage
chingangosvika matani 2 500 kubva kuvarimi vari kunzvimbo dzakasiyana-siyana kubvira apo pakatanga mwaka wekutengesa muna Kubvumbi. Huwandu hwechibage ichi hunotaridza kudzikira zvikuru kana zvichienzaniswa nematani 4 512 ayo akange aendeswa kuGMB nevarimi panguva imwe chete mwaka wapera. Mwaka wekutenga chibage weGMB unotanga musi wa1 Kubvumbi gore rega-rega uye chibage chakawanda chinoendeswa kudura iri pakati pemwedzi waChikunguru naGunyana. Mwaka uno varimi vakakurudzirwa kuti vazivise GMB matani avanofunga kuti vangatengese kuitira hurongwa hwedura iri sezvo izvi zvichibatsira kunyanya mukuziva mari inodiwa kuzobhadhara vanenge vaendesa chibage chavo.
Mushandi anoona nezvekudyidzana neveruzhinji kuGMB, Mai Muriel Zemura, vakati varimi vakange vatanga kuendesa chibage chavo kudura renyika iri. “Kusvika musi wa31 Chivabvu, GMB yaive yawana matani 2 672 echibage,” vakadaro. “Tichiri kukurudzira varimi kuti vatizivise matani echibage avanofungidzira kuti vachaunza kuGMB. Kune varimi vashoma chete vakaita sekudaro. “Zvinonetsa zvikuru kuti tizive chibage chichaendeswa kumadhepoti eGMB nekuti varimi voshoma-shoma ndivo chete vakatizivisa pamusoro pechibage chavangangounza.” – Kwayedza/The Herald.
|