|
Thursday, 07 June 2012 08:00 |
|
neMunyori weKwayedza MWAKA wekutengeswa kwefodya uri kufambira mberi kumisika yose
apo paine kudzikira kwefodya iri kuunzwa nevarimi kumisika iyi. Parizvino fodya iri kuunzwa kumisika yose pazuva roga-roga ine huremu hungangosvika 400 000 kg kubva pamakgs 600 000 ayo aiunzwa nguva pfupi yadarika. Kubva pakatanga mwaka wekutengesa fodya kusvika musi wa31 Chivabvu, fodya yakange yatengeswa yairema makgs 96,3 miriyoni ichikosha US$362 miriyoni.
Sangano reTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) rinoti panguva imwe chete iyi gore rakapera, fodya yainge yatengeswa yaiva nehuremu hwaisvika makgs 99 474 327 iyo yaikoshawo mari inoita US$265 970 133. Mutengo wefodya iyi wakadzika zvishoma kubva pakatanga mwaka apo zhinji yaitengwa nemari iri pakati peUS$4 neUS$4,99 sezvo parizvino kg riri kutangira paUS$3,65 kusvika US$3,83. Kusvika svondo rapera, zvinorakidza kuti kambani yeTobacco Sales Floor (TSF) ndiyo yakanga yatengesa fodya yakawanda kupfuura mimwe misika iyo yaiva nemakgs aikwana 14 562 018. Kambani iyi yaiteverwa neBoka Tobacco Sales Floor (BTF) iyo yaiva yatengesa makgs 13 258 454.
Mimwewo misika inoti Millenium Tobacco Floors (MTF) yaiva yatengesa makgs 7 550 155 kuchitiwo Premier Tobacco Floors (PTF) iine makgs 8 106 567. Makambani anobatsira varimi vefodya, emacontract farmers, aivawo atengesa fodya ine huremu hunoita makgs 63 072 912. Mabhero aiva arambwa kumisika iyi nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana aiva asvika 58 167. Zvakadai, mwaka wefodya uyu uchiri kufambira mberi uye unotarisirwa kusvika mumwedzi waGumiguru. Chamangwiza veTIMB, Dr Andrew Matibiri, vakati varimi vanotarisirwa kuramba vachiunza fodya sezvo vamwe vavo vave kupedzisa kuipisa.-Kwayedza
|