Tuesday, May 21st
Headlines:
Seed Co yakarumbidzwa PDF Print E-mail
Thursday, 07 June 2012 08:01

neMunyori weKwayedza
KAMBANI ine mukurumbira wekuuchika mbeu yeSeed Co

 

yakarumbidzwa zvikuru nebasa rairi kuita rekusimudzira mabasa ekurima pamwe neupfumi hwenyika.
Kurudziro iyi yakabva kunaGavhuna wedunhu reMashonaland Central, Advocate Martin Dinha, apo vaive mueni anoremekedzwa pagungano rekupembera murimi akakunda vamwe vose mudunhu iri, baba naamai Godfrey Mufanechiya  vekuGuruve.

“Varimi vandudzai mashandiro enyu kuti mugoshingairira  kuzivikanwa nenyika yose. Makwikwi aya akanaka sezvo anosimudzira marimiro emhando yepamusoro. Izvi zvinopedza dambudziko renzara nekuti tinenge tave kuwana chikafu chakawanda mudzimba uye nekubatsirawo nyika. Ndinopa rutendo rukuru kuSeed Co nekuramba ichienderera mberi mukukotsvera makwikwi aya kwemakore makumi matatu adarika.
“Zviri kubudikidza nehukama hwamuinawo nevarimi, hurumende pamwe nemasangano anoona nezvekurima. Izvi zvinojekesa kuti hamutarisiri varimi sevatengi vezvigadzirwa zvenyu asi sevachengeti vembeu dzamunouchika.

“Makwikwi aya ari kukurudzira varimi kutora danho rechizvino-zvino pakurima kuti vakwanise kuwana goho repamusoro. Chibage chinofanira kuwanda muno munyika.
“Nyika yedu yakakomborerwa nekuti ine mwaka wakanaka, nedzidzo yehurimisi pamwe nezvekushandisa. Zvinhu izvi zvikashandiswa nemwero tinowana chikafu chinoraramisa nyika yose.,” vakadaro Adv Dinha.
VaIvan Craig, avo vanova Extension Services Manager kukambani iyi, vakakurudzira varimi kushanda nesimba mukusimudzira upfumi hwenyika.

“Nyaya yenzara inodzorera shure budiriro yenyika. Tinofanira kurerutsa mutoro webasa kuna Gavhuna sezvo vanopedza nguva vachinopemha chikafu kune mamwe matunhu.
“Vanofanira kunge vachiita basa rekusimbaradza budiriro yeduhnu ravo. Tiri kuda kuti Mashonaland Central igova inobatsira nechikafu mamwe matunhu ari munyika muno.
“Makwikwi aya ari kubatsira varimi, kambani pamwe nenyika. Kubva 1940 pava nemakore 72 Seed Co yavambwa, inyaya yetsvakurudzo iri kuraramisa kambani. Mbeu itsva dziri kuburwa idzo dzinofambidzana neshanduko yemwaka,” vakadaro VaCraig.
Vakaenderera mberi vachiti vachapa mibayiro pamakwikwi enyika yose inosanganisira tarakita, chigayo pamwe nejenareta kuvarimi vachakunda mumatunhu ose pamwe nemidhudhu kuvarimisi vevarimi ava.-Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links