Monday, May 20th
Headlines:
Mushakabvu negonzo muguva rimwe PDF Print E-mail
Thursday, 07 June 2012 08:03

naMemory Mangombe
“WATI unoda kufa usina mukadzi kana kuita mwana?

 

Bva zviite uone, unovigwa negonzo musi waunofa iwe. Madzisahwira vanokuita ‘pati’.”
Aya mashoko aitaurwa naThomas Tirivanhu wekuMuzarabani achikurukura neshamwari yake, Jackson Masiyambiri, wekuMbare apo vainwa zvavo doro vakatandara pane rimwe bhawa kuMbare, muHarare.
Nyaya yaikurukurwa nevaviri ava yakapedzisira yapindirwa nevamwe vaivepo avo vaida kuziva kuti sei kana munhu akafa asina mwana, kuroora kana kuroorwa  kune dzimwe nzvimbo achivigwa pamwe chete negonzo kana chiguri chechibage.
Kwayedza yakaita tsvakiridzo ichida kunzwa zvakadzika-dzika pamusoro penyaya iyi. Vakawanda vevakataura navo vanoti tsika iyi vanoiziva uye inoitwa munzvimbo dzakawanda dzenyika.
VaEdward Murandu (49) vekuChiurwi, kuBuhera vakati munhu anovigwa negonzo pachivanhu mukomana kana musikana  anofa mushure mekunge abva zera asati awana kana kuwanikwa.
“Pane micherechedzo mitatu inoshandiswa kuratidza kuti munhu afa asina kuroora kana kuroorwa, apo mufi anovigwa negonzo, guri kana kuti mwana wemuti wemumve-e,” vakadaro VaMurandu.
Vakati vanhu vanoita chivanhu ichi varoora vemumusha.

“Pari zvino hazvichatevedzwa  nekuti varoora vemazuva ano havachazviziva,  vave kutevedza chirungu nezvinamato, ndivo vave kushevedzwa kuti ma“salads”.
Vakati kare zvaiyera kuti kana munhu akadai akafa pakasaitwa chivanhu ichi  sokuti mukomana aidzokera hama dzake achiti anoda mudzimai wake, musikanawo achiti anodawo murume nevana vake.
“Ndipo paaivigwa negonzo, guri kana chimwana chemuti wemuvhe-e semudzimai  kana murume wake kuti asadzokere vapenyu,” vakadaro VaMurandu.
Vakati kumukomana zvaigona kukonzeresa kuti adzokere hama dzake kana akange arongedza mombe kana mari yake yekurooresa, paanofa zvorega kufambiswa nemazvo.
“Zvinenge zviine mucherechedzo wekuti panotova nemudzimai kare saka panenge pachifanira kuitwa chivanhu chekuti asazodzokere vapenyu,” vakadaro VaMurandu.
VaEarnest Mhlanga (55) vekuChipinge vakati chivanhu ichi chakakosha kwazvo uye zvichiri kutevedzwa kune dzimwe mhuri.

“Anovigwa negonzo mukomana anofa asina mudzimai anenge ave kudaidzwa kuti pfunda uye musikana anofa asina kuwanikwa kana kuita mwana anenge ave kudaidzwa kuti tsvingubvi kana kuti tsikombi. Izvi zvinoitirwa kuti asadzokere vapenyu,” vakadaro VaMhlanga.
“Kana pakange pasina kuitwa chivanhu ichi pafa mukomana, hama dzake dzinotora mumwe mwanakomana mupenyu vomuti ‘wauya uri mufi’ vachitaura nezita rake.”
Izvi zvinoreva kuti mufi anenge amutswa, ndipo pavanozomuroodza  vomuvakira musha wake vomuti uyu ndiwo musha wako zvichireva kuti mufi anenge agara pamupenyu. 
VaMhlanga vakati vanhu vakawanda havachatevedza tsika iyi nekuda kwezvinamato uye nekuuya kwechirungu.  
“Dzimba idzi dzine zvibinge zvakawanda saka vanhu havachagona kuzozvitevedza kana zvave kunetsa, nekudaro vave kugara vangozvirega,” vakadaro.
Vakati zvimwe zvinosvika pakuburitsa vamwe   mumachechi vave kuita zvechivanhu vachifamba kun’anga kana kumaporofita kunotsvaga zvinenge zvichinetsa.

“Chimwe chikonzero chinoita kuti vanhu vasazvitevedze kufirwa vachiri vadiki zvinoita kuti chivanhu chacho vasazoziva maitirwo acho sezvo panenge pasisina vakuru vanovaudza gwara rekutevera,” vakadaro VaMhlanga.
Mai Rona Manzou (76) vakati zvakakosha kuti chivanhu chakadai chitevedzerwe nemazvo.
“Mukadzi akafa asina kuroorwa uye asina mwana aisungirirwa guri kuti asadzokere hama dzake ainzi ‘uyu ndiye mwana wako usatidzokere.’”  vakadaro.
VaEsiah Chiza (73) vekwaMurwira, kuBuhera vakatsinhira kuti chivanhu ichi chiriko asi hachichatevedzwa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.
“Gonzo rinenge rave kumirira semucherechedzo wemukadzi kana murume kune anenge afa asina kuwanikwa kana kuwana,” vakadaro  VaChiza.
Vakati zvakakosha kuzvitevedza nekuti kuzozvigadzirisa kana munhu achinge ave kupfuka zvinonetsa vapenyu avo vanenge vave kunakurirana nyoka mhenyu.
“Kana pachinge paita anopfuka panovakwa kamba kanonzi kachibabamunini kanenge kakamirira mufi apo panokumikidzwa mumwe mwana kuti aripire ngozi iyi anoita zvekuroodzwa nepfuma yemufi yaanenge asiya,” vakadaro  VaChiza.

Mai Sedes Mawopa (49) vekuGwebo, kuChivu vakati: “Maonero angu sezvinhu zvaiitwa nevaroora ndinoona seyaiva nzira yekutsvaga nayo mari nekuti chese chavanoita vanenge vachida mari.
“Kana ukazviyeresa zvinoyera asi kana ukazviti hazvina basa unoona pasina chinokuvinga.”  
Vakati nhasi uno mamwe mabasa aiitwa nevaroora akaita sekutsvaga huni ave kuitwa nevakuwasha pasina muripo.
“Nhasi uno varoora vedu vave vechirungu saka kuti vawane nguva yekuswera vachimhanyisana nemakonzo havachina uye vane mari dzavo saka zvose zvakapera nenguva yazvo,” vakadaro.-Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links