|
‘Marambadoro ndiwo anondikunda’ |
|
|
|
|
Thursday, 07 June 2012 08:06 |
|
naTelon Makosi MUMWE murume wemuHarare akadura pamberi
pedare kuti hunhu hwake hwekutaura zvisina maturo kumunhu wese-wese, kutuka nekurova mudzimai wake pamberi pababa vake hunokonzereswa nekudhakwa. Reaction Nehwande akapa chikonzero ichi mushure mekunge baba vake — Jonathan Nehwande — vamuzvuvira kuHarare Civil Court vachida gwaro rekuchengetedza runyararo pamwe chete nemvumo yekumudzinga pamba pavo.
“Ndinoda gwaro rekuchengetedza runyararo uye mvumo yekudzinga mwana uyu nekuti hunhu hwake hwandikandisa mapfumo pasi. Anouya kumba usiku hutema otanga kuitira munhu wese hunhu hwakafumuka. “Zviri nani abve pamba pangu nekuti anotosvika pakutuka mukadzi wake zvinonyadzisira achimurovera pamberi pangu,” akadaro Jonathan. Mukubvunzwa chikonzero chehunhu uhu, Reaction akati anenge akadhakwa. “Ndinenge ndakadhakwa changamire wangu.
Baba ndinokumbira kuti musandidzinge pamba,” Reaction akadaro.
Jonathan akati haasi kuzodzora moyo wake. “Ndinoda kuti kupera kwaChikumi unge wabva pamba pangu,” Jonathan akadaro. Reaction akati anokwanisa kubuda mushure memwedzi miviri nekuti anoda kumbotsvaga mari. “Nekuda kwekuti ndinoda kumbotsvaga mari, ndinokwanisa kubuda mushure memwedzi miviri,” akadaro Reaction. Mutongi Serima akati Reaction anofanira kuchengetedza runyararo nekuona kuti abva pamba pababa vake.-Kwayedza
|