|
Mukadzi anorara akatsamiriswa banga |
|
|
|
|
Thursday, 07 June 2012 08:07 |
|
naDaphne Machiri
MUKADZI wemuHarare akapotera kudare achiti aneta nekushungurudzwa nemurume wake uyo anoita bonde akamubatira banga. Viola Sigauke akadhonzera Lengton Nyamutowa kudare reHarare Civil Court achiti akanda mapfumo pasi nehunhu hwemurume wake uyo waanoti haanyare kuita chipfambi vana vake vachiona. “Murume uyu handichamuda zvachose, ndakaedza kushingirira asi zvaramba. Kumba kwevabereki vangu kwaitova nani asi zvisinei, ndakawanawo wepamoyo anondipa rudo kwete zvekushungurudzwa nemurume uyu.
“Anoita chipfambi pamberi pangu nevana achida kundibaya nebanga kana agumburisana nepfambi dzake. Bonde chairo anoramba asi ndiye murume wangu,” akadaro Sigauke. “Anouya kumba ondikandira mbatya panze achindituka achiti ndiri kuita chipfambi asi ari iye anopedza mavhiki asipo pamba. Vana haachachengeti, mari iri kuperera kupfambi,” akadaro Sigauke. “Anotomborara nebanga pasi pepiro mumagumbeze uye tinomboita bonde banga riri padyo neni achinditi ‘uchaita zvandinoda nekuti ndakakuroora’. Zvino ini kwete, ndaneta,” akadaro Sigauke. Nyamutowa haana kuwirirana nezvaitaurwa naSigauke achiti anomunyepera uye haaite
basa semudzimai akaroorwa.
“Haandikudze mukadzi uyu semurume wake. Ndipo pandinoenda kunopfimba hangu kunze uko uyezve handisisina kuvimbikana naye nekuti iye anoti nekuti ndapfimba saka ndopfimbwawo. Anotondiona semwana wake. Zvebonde haagone saka ini ndorega kunotsvaga wekuita nayewo here kunze uko?” akadaro Nyamutowa. Aakenderera mberi achiti haaregi kumurova kusvikira ave munhu kwaye. “Mukadzi uyu kusvika ave kuziva kuti ndiri murume wake ndipo pandicharega kumurova uyezve orega zvechipfambi, zvekukwikwidzana neni,” akadaro Nyamutowa. Mutongi Milton Serima akati vaviri ava vagare murunyararo, pasawana anoshungurudza mumwe nenzira ipi zvayo.-Kwayedza
|