|
QuickJam yakahwapura mukombe |
|
|
|
|
Thursday, 07 June 2012 08:09 |
|
neMunyori weKwayedza CHIKWATA chekuChikanga che-QuickJam kwaMutare ndicho c
hakatora mukombe mumakwikwi eKorfball akaitwa pakupera kwevhiki pasi pedingindira rekuti 4 Ps Campaigning against Domestic Violence through Sport. Kupfurikidza nekukunda kwavakaita, chikwata ichi chakawana mubayiro wemari nemukombe. Marange Stars, iyo yakaita nhamba 2, yakawanano mubayiro wemari nezvekushandisa mumutambo.
Akafanobata chigaro chemutungamiriri weZimbabwe Korfball Federation, Godfrey Kwangware, akati makwikwi aya akafamba zvakanaka uye vakakwanisa kuzadzikisa donzvo ravo. “Takazadzikisa donzvo redu rekushambadza dzidziso tichirwisana nedambudziko rekushungurudzwa kwevanhu mudzimba. Pane vanhu vazhinji vakauya kuzoona makwikwi aya uye bazi revanhukadzi rataiva takabatana naro mumitambo iyi rakakurukura nevanhu richitaura nezvekushungurudzwa kwemudzimba,” akadaro.
Kwangware akati sangano ravo rine tariro yekuti makwikwi aya acharamba achiitwa gore negore nechinangwa chekupa dzidzidzo kune veruzhinji maringe nekuipa kwemhirizhonga. “Aka ndekekutanga kuita makwikwi aya nechinangwa ichi. Tine tariro yekuti ticharamba tichiita mitambo iyi gore negore dakara munhu wese ave kuziva kuti hazvina kunaka kushungurudzana mudzimba,” akaenderera mberi.-Kwayedza
|