|
Thursday, 07 June 2012 08:10 |
|
neMunyori weKwayedza SHASHA yemujaho wewiricheya — Wilson Nyakoko —
anoti ari kutsutsumwa zvikuru nekutadza kuenda kwaakaita kunomhanya kumujawo weMbada Diamonds uyo wakaitwa svondo rapfuura kwaMutare. Nyakoko akati akazopihwa shoko rekuti mujawo uriko nguva yapera izvo zvakamutadzisa kuenda nekuti akange asina mari yebhazi. Zvakadaro, akati kutadza kuenda kwaakaita kumujawo uyu hakusi kumudzorera shure nekuti ave mushishi kugadzirira kuenda kune mumwe weVictoria Falls Marathon uyo uri kutarisirwa kuitwa muna Nyamavhuvhu. “Zvakandirwadza zvakaitika svondo rapfuura nekuti vanhu havangazondiudze nguva yapera kuti kune mujawo weMbada Diamonds.
“Ini mujawo uyu ndaida kuenda uye ndaiziva kuti ndikaenda ndainohwina saka ndakazongotambira zvacho zvakaitika. Dai ndaive nemari ndaienda asi ndainge ndisina uye ndakange ndisina kugadzirira mujawo uyu. “Asi handisi kusiya zvakaitika izvi zvichikanganisa mweya wangu nekuti izvozvi ndatarisira makwikwi eVic Falls marathon ayo andiri kugadzirira parizvino ari kutarisirwa kuitwa muna Nyamavhuvhu,” akadaro Nyakoko. Nyakoko akati kushaiwa vakotsveri kuri kudzosera mutambo wavo kumashure nekuti dzimwe dzenguva vanotozvitsvagira mari vega yekuenda kunokwikwidza kumijawo.
“Isu hatina vakotsveri saka tinodzorerwa shure nekuti dzimwe nguva tinototsvaga tega mari yekuenda kunokwikwidza kwakasiyana izvo zvinova zvimwe zvakanditadzisa kuenda kunokwikwidza kumujawo weMbada svondo rapfura. Ndakaudzwa nezvemujawo uyu musi weChina uchinzi uri kutarisirwa kumhanyiwa musi weMugovera,” akadaro. Nyakoko, uyo akapedzisira kukwikwidza kumujawo weVic Falls mugore ra2010 apo akahwina menduru yebhuronzi, akati gore rino akagadzirira zvikuru uye ari kutarisira kunohwina nekuti ave kuziva zvinodiwa. “Ndakambonomhanya kuVic Falls ndakapotsa nepadiki kuhwina menduru yegoridhe asi ndakazosimudza bhuronzi zvangu zvekuti apa pandiri kuenda ndiri kunohwina goridhe. “Hapana chinonditadzisa kuhwina gore rino nekuti ndiri kugadzirira zvakasimba uye ndiri kuunganidza zvese zvinodiwa kuti ndiende kumujawo uyu,” akadaro Nyakoko.-Kwayedza
|