Thursday, May 23rd
Headlines:
Votsvaga mari yeHarare Open PDF Print E-mail
Thursday, 07 June 2012 08:13

neMunyori weKwayedza
VARONGI vemakwikwi emutambo wewiricheya tenesi eHarare Open

 

ayo akakanzurwa muna Kubvumbi zvichitevera kushaikwa kwakaitwa mari vari mushishi kutsvaga mari yekuti aenderere mberi. Mukutaura naOlga Chisango, uyo anoona nezvekufambiswa kwemashoko kuWheelchair Association of Zimbabwe, akati sangano ravo riri kuedza neparinogona kutsvaga mari yekuti vakwanise kuita makwikwi aya.
Akati mutambo uyu waifanirwa kunge wakaitwa kutanga musi wa15 Kubvumbi kusvika musi wa17 asi wakatadza kuenderera mberi nekuti wakashaya vakotsveri vemari.
Chisango akati vatambi vaida kuuya kumutambo uyu vakaramwa nekuda kwekuti vakazviziva kuti havana mari nekudaro pakange pasina mibairo yavaizowana kana mutambo wapera.

“Chinhu chakatitadzisa kuti mutambo uitwe muna Kubvumbi inyaya yekuti takashaya mari yekuzohwinisa vanenge vakunda saka vatambi vazhinji vakaramba kuuya kuzotambira mahara pasina mubairo.
“Vakotsveri vacho vari kuchema-chema kuti havana mari saka izvozvi tiri kutomhanya-mhanya kutsvaga mari kuti Harare Open iitwe nekuti munguva iri kutevera tinenge tatarisana neBulawayo Open. Hazviite kuti tiregere kuita Harare Open. Mari yatiri kutsvaga kuti mutambo uyu uitwe iUS$5 000 chete,” akadaro Chisango.

Chisango akati parizvino sangano ravo ratarisana nemutambo weBulawayo Open uyo uri kutarisirwa kuti uitwe muna Nyamavhuvhu saka Harare Open inofanirwa kunge yaitwa nekuti ndiyo inotanga.  Akati vari kushuvira kuti Bulawayo Open isasangane nedambudziko ravari kusangana naro parizvino rekushaya mari.
“Tiri kungonamata kuti Bulawayo Open isasangane nedambudziko iri ratiri kusangana naro mukuronga Harare Open.
“Pamwe vakotsveri vekuBulawayo vanogona kupindira kuti Bulawayo Open ienderere mberi mazuva atiri kutarisira kuti tinoda kuti iitwe. Izvozvi hatisati tave kuda kutaura kuti tiri kuda kuronga kuti zviitwe mazuva api nekuti tinogona kushaya mari,” akadaro Chisango.-Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links