|
MaWarriors onovhima kuMozambique |
|
|
|
|
Thursday, 07 June 2012 08:14 |
|
naAbel Ndooka SVONDO rino chikwata chenyika chemaWarriors
chiri kusangana neMozambique kunyika iyi mumutambo uyo vakomana vemuno wavanotarisirwa kutamba zvekudambuka makumbo segurwe zvichitevera kukundwa kwavakaitwa neGuinea svondo rapera. MaWarriors akabviswa chiri kumeso neGuinea apo akakundwa 1-0 pamberi pevatsigiri vavo kunhandare yeNational Sports Stadium mumutambo wekutanga wekurwira kuenda kuWorld Cup 2014 iyo ichaitirwa kuBrazil.
Mutambo uyu wakazopedzisira wave nemhirizhonga vatsigiri vatsamwa ndokutanga kutema vatambi veZimbabwe pamwe neveGuinea. Zvakadaro, sangano renhabvu reZifa rakatsigira kuti rinoda kupa Gumbo mumwe mukana wekutungamirira maWarriors kunyangwe zvazvo vamwe vatsigiri venhabvu vaiti anofanira kumiswa basa. Achitaura svondo rino, Gumbo akati mutambo wavo neGuinea wakapfuura saka pari zvino ave kuona nezvemutambo uri kutevera uye akaudza vatambi vake kuti vasarambe vachifunga zvakaitika kare.
“Ndakaudza vatambi kuti vasiyane nezvakapfuura nekuti zvakatoitika saka tiri kutarisa mutambo wedu neMozambique uri kutevera. “Zvakaitika musi weSvondo zvakatoitika hapasisina kuzvishandura kwatichazviita saka ngatitarise mutambo weSvondo uri kutevera,” akadaro Gumbo. Mune mimwe mitambo yeCastle Lager Premier League iri kuenderera mberi svondo rino zvichitevera kumiswa kwayaive yaitwa apo maWarriors aitamba neGuinea. Highlanders, iyo iri kupisa parizvino, iri kutarisirwa kusangana neChicken Inn iyo yakavimbisa kuti inoda kutonhodza Bosso, sezita remadunhurirwa rechikwata ichi, nekupedza kuhwina kwairi kuita. Bosso haisati yakundwa mwaka uno uye yakangoita mangange kamwe chete mumitambo yavo yese.
Murairidzi weChicken Inn, Adam ‘Adamski’ Ndlovu, akati svondo rino Bosso haina chayo uye vari kuda kuiratidza kuti chikwata chake hachina muti unoyera sanhu apo vari kusangana nayo kunhandare yeBabourfileds kuBulawayo. Mune mumwe mutambo, CAPS United, iyo isiri kutamba zvinogutsa mwaka uno, ichasangana nechikwata cheHardbody.-Kwayedza
|