|
neMunyori weKwayedza CHIKWATA chevasungwa vekuChikurubi Farm Prison, icho chinodeedzwa kuti Tehillan Worshippers,
chakabura dambarefu racho rekutanga pamwe neDVD rinonzi Regererai. Dambarefu iri rine nziyo 12, vakabika mavhidhiyo enziyo 10 dziri paDVD idzo dzinotaura pamusoro pekuregerera uye dzese dzakanyorwa nevasungwa ava vakabatsirwa kutsikisa nesangano reGreater Harare Roman Catholic and Zion Christian Church Women. Akataura akamirira sangano iri, Ireene Sisare, akati sangano ravo rakazvipira kubatsira vasungwa ava mushure mekuona tarenda ravo pakuimba. “Tinofamba nevakomana ava mumakereke edu vachipa huchapupu pamwe nekuimba. Kugona kwavo ndiko kwakatikurudzira kuti tivabatsire kutsikisa mhanzi yavo.
“Chinangwa chedu kusimudzira tarenda ravo uye tinoda kuwana mari yekubatsira vari mumajeri pamwe nevakomana vari kuimba ava kuti vazowane pekutangira kana vachinge vabuda mujeri,” akadaro. Sisare akati chishuwo chavo kuti chikwata chevaimbi ava chirambe chakabatana kunyange vamwe vakapedza nguva yavo yemuhusungwa vakabuda vamwe vachisara. “Zvimwe zvikwata zvevaimbi zvinoumbwa zvoita mukurumbira nekufamba kwenguva wozonzwa kuti vaparadzana asi isu chishuwo chedu nevakomana ava ndechekuti varambe vari chikwata chimwe vachitsikisa nziyo.
“Hongu, vane mhosva dzakasiyana uye vanobuda mujeri nguva dzakasiyana asi ticharamba tichivabatsira kuti varambe vachishanda pamwe,” akadaro. Chikwata cheTehillah Worshippers chine vaimbi 19 uye zita rekuti Tehillah rinoreva kuti ‘Rumbidzo yepamusoro’. Mumwe anoshanda nevakomana ava, Principal Prison Officer (Rehabilitation) Zanele Ncube, akati havasi kuzopeta mawoko kana makoronyera akatanga tsika yepairesi. “Hatisi kutarisira kuona mhanzi iyi mumugwagwa ichitengeswa nevepairesi. Iyi iyambiro nekuti hatisi kuzopeta maoko kana zvikaitika tichatora matanho akasimba kune vatichabata vachiita izvi,” akadaro. Nziyo dziri padambarefu iri dzinosanganisira Regererai, Kutaura kwaMwari, Razaro Muka, Dzoka Mwanangu, Mambo Muneni, Uxolo, Namaan, Bhiza Jena, Ndouya Kwamuri naYambiro YaJohani.-Kwayedza
|