|
Thursday, 07 June 2012 08:17 |
|
naKnowledge Manokoro MUMWE murume akatyora mbabvu vanhu vaive mudare nekuseka
mushure mekunge ati haakwanise kubhadhara mari yemendenenzi nekudaro aifunga zvokuramwira aimbova mukadzi wake chigayo kuti iye agopota achipihwa mari kupera kwemwedzi yekuti agowanawo chouviri.
Richmore Chihota akamhan’arira aimbova murume wake — Tonderai Chihota — kuHarare Civil Court achiti ari kukundikana kutora danho rehubaba mukuriritira mhuri yake. Gweta raRichmore, Thoughts Deme, akati mumhan’arirwi anofanira kubhadhara $800 pamwedzi. “Mumhan’arirwi anofanira kubhadhara $500 yevana vaviri, $100 yekuripira mukadzi wake uye $200 yembatya dzevana. Mari iyi anokwanisa kuiwana nekuti anoshanda uye ane chigayo chinomupa $2 000 pamwedzi woga-woga,” akadaro Deme. Uyuwo Tonderai akati haakwanisi kubhadhara mari iyi sezvo yakawandisa.
“Mari iyi handiikwanise nokuti handichashandi uye ndiri kuchengeta imwe mhuri nemudzimai zvekare upenyu hwakatondiomera. Ndave kutoda kunogara kumusha nekuti hapana chandingagarire mudhorobha ndisisasevenzi. “Kana achida ndinomupa chigayo chacho choita chake zvobva zvaringana nemari yemendenenzi. Asi ini ndaikumbirisa kuti opote achindipawo $500 pamwedzi woga-woga,” akadaro. Deme akapikisa zvaitaurwa naTonderai achiti matauriro ake anoratidza kuzvidza dare uye aive achinyepa kuti haachashandi. Mutongi Miriam Banda akapa mutongo wekuti Tonderai abhadhare $100 pamwedzi, kutenga mbatya pamwe chete nekubhadhara mari yechikoro yevana.-Kwayedza
|