Thursday, May 23rd
Headlines:
Kubuda musana PDF Print E-mail
Thursday, 07 June 2012 08:22

naElsie Mojapelo
DAMBUDZIKO rekubuda musana

rinozivikanwa nekuti ma“piles” nechirungu, rinobata vanhu vakawanda vemazera akasiyana-siyana.
Ongororo dzavana chiremba dzinoti dambudziko iri rinowanzokonzerwa nekungodutira kudya tisingacherechedze zvatiri kudya.
Somuenzaniso tinokurudzirwa kuti tidye chikafu chine “fibre” ne“roughage” yakawanda zvinoita kuti mudumbu mufambe zvakanaka.

Munhu paanonzi abuda musana, tsinga dzinofambisa ropa munzira inobudisa tsvina nekunze kwacho, dzinenge dzazvimba uye dzinogona kutobuda ropa nyama dzotosvika pakubuda panze zvichirwadza chaizvo. Marwadzo acho anogona kutotadzisa munhu kufamba kana kugara.
Munhu anenge abuda musana:
l anonzwa kurwadziwa pakuita tsvina
l kubuda ropa pakuita tsvina
l kuzvimba kwenyama munzira inobuda netsvina zvekubuda panze.

Munhu anogona kubatsirika ari kumba kuburikidza nekugadzira zvinwiwa zvinobatsira kudzora marwadzo.
l Nyika maonde matatu kana mana mumvura wozvisiya zvorara mumvura wozonwa mvura yacho nekudya maonde acho.
l Sanganisa bhanana rimwe chete nekomichi yemukaka wonwa chinwiwa ichi katatu pazuva.
l Sanganisa hupfu hwemhodzi yemumango zvipunu zvidiki zviviri nehuchi wodya kaviri pazuva.
l Kuderedza kubuda ropa sanganisa chipunu chehupfu hwemhodzi dzemustard nemukaka wembudzi neshuga shoma wonwa kuseni usati wadya.
l Menya wofashaidza makanda echibage chechirungu  woabvisa wonwa mvura yacho kaviri pazuva.-Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links